Voronga ‘Kick-out coronavirus’

Abel Ndooka
SHASHA dzetsiva dzemuno dziri kuronga kuzoita mutambo wekuunganidza mari yekubatsira kurwisa chirwere cheCovid-19 icho chazunguza pasi rose nekubata uye kuuraya vanhu vakawanda.

Kusvika pari zvino chirwere ichi chaonekwa muvanhu vasere muZimbabwe uye mumwechete wavo akatoshaika.

Nechinangwa chekuedza kumisa kupararira nekutapurirana Covid-19, Hurumende yakadzika mitemo yakawanda, kusanganisira unoita kuti vanhu vose mambogara mudzimba dzavo kwemazuva 21 kuvamba nemusi wa30 Kurume.

Kana mitambo yose yakambomiswa.

Murongi wetsiva, Clyde Musonda, anoti ari kugadzirira kuzoita mutambo uyu akabatana neshasha yemuno, Charles Manyuchi.

Achitaura neKwayedza, Musonda – weDeltaforce Boxing Promotions – anoti chirwere checoronavirus chavhiringidza zvizhinji muZimbabwe nepasi rose, saka mukudaro iye pamwe nevamwe vari mutsiva vanoda kuzobatsira vanhu vakanganiswa nedenda iri.

“Tinoda kuikunda coronavirus yadai kuuraya vanhu vakawanda pasi rose iyi. Saka tiri kuronga kuzoita mutambo watichati ‘Kick-out coronavirus’ uyo tichaunganidza mari yekubatsira vanhu vakanganiswa nedenda iri. Tinogara tichitsigirwa pose patinoronga mitambo yedu yakasiyana, saka ino ndiyo nguva yekubatsirawo nekutsigira zvirongwa zveHurumende nemamwe mapoka mukurwisa Covid-19,” akadaro Musonda.

Mutambo uyu, Musonda anoti vari kuronga kuzouita kwadarika mazuva 21 ayo akadzikwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa apo vanhu vachagara mudzimba.

Anoti vamwe vatambi vanotarisirwa kurwa vanosanganisira Tinashe Mwadziwana, Revai Madondo, Simon Matsanzire nevamwe.

“Pachadarika mazuva 21 ayo akanzi nemutungamiri wenyika President Mnangagwa vanhu vambomira kufamba-famba, ndipo tichazotanga gadziriro dzemutambo uyu.

“Isu vari mune zvemutambo tinofanirwawo kuonekwa tichirwisa chirwere ichi tichibatsira vanenge vakanganiswa nacho,” akadaro Musonda.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *