Zvinoreva ‘lockdown’

Farirayi Machivenyika
MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa nemusi weChishanu vakazivisa kuti vanhu vachambomira kufamba-famba, vogara mudzimba kwemazuva 21 — kwemasvondo matatu azere — kutanga nemusi weMuvhuro uno (30 Kurume) sedanho rekurwisa kunyuka nekupararira kwechirwere checoronavirusa kana kuti Covid-19 icho chandengendesa pasi rose.

Covid-19 yabata mazana ezviuru zvavanhu ndokuuraya zvimwewo zviuru pasi rose.

Zvakaturwa naPresident Mnangagwa zvinoreva kuti vanhu vose vemuZimbabwe vachambogara mudzimba dzavo kwenguva iyi vachimira kuenda kumabasa nekune dzimwewo nzvimbo — kusara kweavo vanoita mabasa akakoshesesa — kwemazuva 21 aya.

Kusvika musi weChishanu watorwa danho iri, Zimbabwe yanga yava nevanhu vashanu vabatwa neCovid-19 — vana vacho vari vemuHarare nemumwe chete wekuVictoria Falls — uye mumwe chete wacho akafa svondo rapera pamberi.

Mushure mekuziva nezvedanho iri, veruzhinji vakaita chipatapata nemusi weMugovera neSvondo kunotenga nekuunganidza zvinhu zvavanofunga kuti vachazoda kushandisa munguva iyi zvinosanganisira chikafu nemishonga.

Pamazuva 21 ayo akatarwa naPresident Mnangagwa, mabhizimisi mazhinji achange akavharwa asi vanoita mabasa akakosha anobatsira veruzhinji, vanogadzira zvinhu zvinosanganisira chikafu nevezvitoro zvinotengesa mishonga yekurapa (mafamasi) vacharamba vachishanda.

Vanhu vachange vachienda kumabasa panguva iyi semachiremba, vanamukoti nevashandi vemapazi eHurumende akakoshesesa vachatakurwa nemabhazi eZimbabwe United Passenger Company (Zupco) neePublic Service Commission (PSC).

Mamwe mabhazi, kusanganisira makombi ambomira kufamba.

Zvichange zvichiitika muchidumbu:

 Zvichatanga Muvhuro Kurume 30, 2020

 Kwemazuva 21 vanhu vachagara mudzimba vasingaende kumabasa

 Zvinotenderwa:

  •  Kufambiswa kwezvinhu zvakakosha zvinosanganisira magetsi nemvura
  •  Vanochengetedza mutemo vachatumirwa kumativi ose enyika kuti vachengetedze veruzhinji
  • Kana pachinge paitika rufu, vanhu vanotenderwa kuva panhamo havafanirwe kudarika 50
  • Vatyairi vanenge vachida kutenga mafuta edzimotokari pamaservice stations havatenderwe kuburuka mumota dzavo
  •  Zvitoro zvinotengesa chikafu zvicharamba zvichishanda
  •  Kutakurwa kweveruzhinji nemakombi kwamiswa, mabhazi eZUPCO neePSC ndiwo achafamba chete
  •  Nhare dzepachena (Toll-free hotline number) i2019
  •  Vanofambisa mashoko enhema sepadandemutande resocial media vacharangwa zvakaomarara nemutemo
  •  Vanhu vachavhenekwa Covid-19 kumatunhu avari
  •  Murwere ari kuchipatara anoonekwa nemunhu mumwe chete, kamwe chete pazuva

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *