Covid-19 Chenjedzo
Zvekungwarira pamusoro peCoronavirus Kuungana kweveruzhinji hakufaniri kudarika vanhu makumi mashanu Miganhu yenyika yakavharwa kuti vanhu vasafamba kunze kwevari kudzoka chete Miganhu yenyika inovhurirwa avo vari kufambira zvakoshesesa Kuongororwa kwevari kufambira…
Corona iriko vanhuwe
Mudzimai anoita zvemadhirama, Muchaneta, akapfeka “face mask” apo anga achifamba pakati peguta reHarare nhasi masikati. Anoti ari kuzvichengetedza kubva kuchirwere cheCovid-19 kuburikidza nekugara kumba nguva yake zhinji uye akambomira kuita…
Hatisi kuda vayenzi . . .
Chinyorwa ichi chakanamirwa pagedhi repamwe pamusha uri kuDomboshava senzira yekuyeuchidza vashanyi kuti varidzi vepamba apa varipo, asi havasi kutendera vanhu vanouyapo nekuda kwedambudziko reCoronavirus. Veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vambomira kushanyirana…
Vanodarika 14 000 vafa
SANGANO reWorld Health Organisation (WHO) rinoti kusvika musi weMuvhuro svondo rino, vanhu vanodarika 14 000 vange vafa pasi rose nekuda kwechirwere checoronavirus uye vamwe vanopfuura 340 000 vabatwa nacho.
Vanoremara Dzinza rose…‘Tateguru akaba mhembwe’
DZINZA remhuri inogara kuChiweshe rinonzi rine vanhu vanosvika 50 avo vakaremara mitezo rinova dambudziko rakatanga apo tateguru wavo anonzi akaba mhuka yemhembwe iyo yainge yakabatwa pamusungo wemumwewo munhu mupurazi riri kuBindura.
Tambomira matare: Madzishe
MADZISHE emuZimbabwe anoti vari kutevedzera zvose zviri kutaurwa neHurumende mukurwisa kupararira kwecoronavirus uye vakatomisa kuita matare ekutonga mhosva dzinenge dzaparwa sezvo pavanotongera pachiungana vanhu izvo zvisiri kukurudzirwa.
Akabarwa aine unenge muswe
MUDZIMAI anogara kuOverspill, kuEpworth, ari kutsvaga rubatsiro rwekuti mwanasikana wake ane mwedzi mina yekuzvarwa anovhiiwa mushure mekuzvarwa aine chinyama chinenge muswe.
COVID-19: TINE MUKANA
VATSIGIRI venhabvu vanoti Zimbabwe inofanirwa kutora mukana wekumiswa kwakaitwa mitambo mizhinji nekuda kwechirwere checoronavirus kugadzirisa nhandare dzenhabvu zvichitevera danho rakatorwa nesangano rinotungamira nhabvu yemuAfrica reConfederation of African Football (CAF) rekuti munyika muno hamuna nhandare yakakodzera kutambirwa mutambo uyu.
Covid-19: Maticha otenda President
MASANGANO anomiririra varairidzi ari kupembedza danho rakatorwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa rekuti zvikoro zvivharwe nekukasika senzira yekudzivirira chiwere cheCovid-19.
Seed Co yakapa mibairo
VADZIDZI vekumakoreji nemayunivhesiti gumi avo vapinda mumakwikwi eSeed Co Zimbabwe ekuratidzira hunyanzvi hwavo hwekushandisa chizvino-zvino mumabasa anosimudzira nyaya dzekurima (innovative technologies) svondo rapera vakapihwa mibairo.










