Akakanda musvesvenenga wenyoka pakati peHarare

Kingstone Mapupu YAKAVE batai-batai panosangana migwagwa Nelson Mandela naSam Nujoma, pakati peguta reHarare masikati emusi weChina chadarika apo mumwe mutyairi wemotokari anonzi akadonhedzera nyoka pasi, iyo yakazonopinda muimwe motokari yainge…

Ambuya ‘vanokumbira’mukuwasha part two

Gibson Mhaka NYAYA yemurume wekuBulawayo wekuti anovhevhetedzwa naambuya vake — amai vemudzimai wake — kuti vaite bonde naye yava nepamwe sezvo achiti mukadzi wake anonyatsozivisisa nezvayo uye aitomukurudzira kuti ashinhe…

Akarovesa mombe 20 nemheni

Freedom Mupanedemo ari kuGokwe MURUME wekwaMambo Njelele, kuGokwe, ari kutiza kumira pamberi pedare ramambo weko nemhosva yaari kupomerwa yekutumira mheni iyo yakanouraya mombe 20 dzevavakidzani vake vaviri mushure mekunge vamunyima…

Vana vekuyunivhesiti vokweretesa mari…$90 miriyoni yatovapo:Murwira

Joseph Madzimure VADZIDZI vekumayunivhesiti nemakoreji edzidzo yepamusoro vave kukwanisa kukwereta mari yefizi kubva pa$90 miriyoni kutanga mwedzi uno uye imwe $10 miriyoni ichange ichiwedzerwa kuhomwe iyi munaKukadzi. Zvikwereti izvi zvakange…

Kuuraya munhu kunge huku?

Abel NdookAa naMalven Mugadzikwa VERUZHINJI vanoti vari kushushikana zvakanyanya nenyaya dzevanhu vanonzi vari kufamba nemabhemba (machete) nezvimwe zvombo vachirova kana kuuraya vanhu vachivatorera zvinhu zvavo. Nhubu idzi dziri kunyanya kurura…

Vonyunyuta nema‘pamper’

Muchaneta Chimuka VERUZHINJI vanotaura pamusoro pedanho rinonzi rinogona kutorwa nesangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda, reEnvironmental Management Agency (EMA), rekudzika mutemo unorambidza kushandiswa kwemapamper nechikonzero chekuti ari kusvibisa nharaunda uye vamwe vari…

Mahekita 2 000 ezvirimwa akaparadzwa nearmyworm

Muchaneta Chimuka MAHEKITA anodarika 2 000 ezvirimwa anonzi akaparadzwa nemakonye emhando yeAfrican armyworm kumatunhu ari kumativi mana enyika panguva iyo twumbuyu utwu twuri kuramba twuchipararira kubva kuMashonaland Central kuenda kuMidlands…

Mwanakomana Anodongorera amai vachigeza…’Ndinozviita asi sorry mhamha’

Danisa Masuku AYA ndiwo mashura! Murume anogara kuThorngrove, kuBulawayo, ane makore 24 okuberekwa anonzi ane katsika kekupindira amai vake muimba yavo yekurara achivaona vachisasana neshamwarirume yavo kana apo pavanenge vachigeza.…

Osvipirwa mate kumeso

Courtney Munodawafa MURUME samusha anoti anzwa nekugara achirikitwa kurohwa neaimbova mudzimai wake uyo anouya kumba nekubasa uye dzimwe nguva anomusvipira mate kumeso nekumumwaya fodya yebute. Isaac Mavhirizhe akaendesa Loveness Zongore…

Zimbabwe yorwisa nzara

Muchaneta Chimuka SANGANO reZimbabwe Civil Society Organisations Scaling Up Nutrition Alliance (ZCSOSUNA) rinoti zvakakosha kusimudzira chirongwa chekunzvera nyaya dzeutano zviri maringe nekuwanisa veruzhinji chikafu chinovaka muviri. Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa…

×