Mahekita 2 000 ezvirimwa akaparadzwa nearmyworm

Muchaneta Chimuka

MAHEKITA anodarika 2 000 ezvirimwa anonzi akaparadzwa nemakonye emhando yeAfrican armyworm kumatunhu ari kumativi mana enyika panguva iyo twumbuyu utwu twuri kuramba twuchipararira kubva kuMashonaland Central kuenda kuMidlands neMatabeleland South.

Makonye ekutanga akaonekwa munzvimbo yeMbire mudunhu reMashonaland Central uye parizvino apararira kuenda kuMidlands neMatabeleland South uko zviuru zvemahekita ezvirimwa zvakaparadzwa zvikuru sei, mapfunde.

Makonye aya akaonekwa zvakare kuMberengwa, Shurugwi neZishavane kunova kwakaparadzwa zvirimwa zvinosanganisira chibage, mapfunde, nemhunga.

Makonye eAfrican armyworm anozivikanwa zvikuru mukuparadza chibage, mapfunde, mhunga, gorosi kana mafuro chaiwo muZimbabwe nedzimwe nyika dziri mudunhu reSub-Saharan Africa.

Makonye emhando iyi anoparadza zvirimwa zvikuru mukati menguva diki uye anopararira nekukasika zvinoreva kuti panenge pachifanira kutorwa matanho echimbi-chimbi kuti ange achirwiswa.

VaShingirirayi Nyamutukwa vanova nyanzvi inoona nezvezvirimwa uye kudzivirirwa kwezvirwere netwumbuyu (Plant Quarantine and Plant Protection Services Institute (PQPPSI) kuDepartment of Research and Specialist Services Entomologist vanozivisa nezvekupararira kwemakonye aya kune mamwe matunhu.

“Kutanga nomusi wa15 Ndira gore rino, mahekita anodarika 2 000 ezvirimwa zvakasiyana akaparadzwa neAfrican armyworm kumatunhu anosanganisira Mashonaland Central, Midlands neMatabeleland South,” vanodaro.

VaNyamutukwa vanoti kudzivirirwa kwezvirimwa kwakaitwa kuburikidza nekushandiswa kwemishonga yavakawanikwa neDepartment of Research and Specialist Services kumatunhu akasiyana.

“Tine nyanzvi dzedu dzakatounza mishonga kuMidlands uye varimi vari kufundiswa maringe nehuipi hwemakonye aya sezvo anoparadza goho zvikuru,” vanodaro.

Nyanzvi dzinoona nezvekurima dzinokurudzira varimi kuti vaongorore zvirimwa zvavo uye mafuro, zvikuru sei mushure mekunyaya kwemvura sezvo pari ipo panoonekwa kunyuka kwemakonye aya kazhinji.

Mudhumeni mukuru kukambani inouchika mbeu yeAgri-Seeds, VaIvan Craig, vanokurudzira varimi kuti vaongorore zvirimwa zvavo nguva nenguva.

“Munguva ino yegore twumbuyu twunosanganisira fall armyworm uye African armyworm tunowanda tuchiparadza chibage kunyanya.

“Zvinofaranuka pamwe nekubereka munguva yekupisa. Tinokurudzira varimi kuti vange vachigara vaine mishonga yekurwisa twumbuyu utwu,”  vanodaro.

Vanoti varimi ngavakurumidzewo kuzivisa madhumeni ari pedyo navo kana vachinge vasangana nematambudziko etwumbuyu twakadai semakonye, hwiza nezvimwe zvine mikana yekuparadza zvirimwa zvavo.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *