Mwanakomana Anodongorera amai vachigeza…’Ndinozviita asi sorry mhamha’

Danisa Masuku

AYA ndiwo mashura!

Murume anogara kuThorngrove, kuBulawayo, ane makore 24 okuberekwa anonzi ane katsika kekupindira amai vake muimba yavo yekurara achivaona vachisasana neshamwarirume yavo kana apo pavanenge vachigeza.

Mwanakomana uyu anobvuma kuti izvi anozviita “asi sorry mhamha”.

Izvi zvakabuda mudare reTredgold Magistrates Court apo Algernon Antony (24) akamhan’arirwa naamai vake, Tiffany Antony (43), vachiti ari kuvashungurudza zvikuru.

“Vedare, ndaive nemudiwa wangu tiri muimba yekurara, zvino Algernon ndokupindamo isu tiri pakati pekusasana zvedu. Ndakamuudza kuti abude iye ndokuramba arimo achitiona tichipanana rudo,” anodaro Tiffany.

Amai ava vanoenderera mberi: “Ndakamubvunza kuti ari kuzviitirei, iye ndokuti hapana zvandinokwanisa kumuita.”

Tiffany anoti rimwe zuva zvakare, Algernon akamudongorera nepahwindo apo aigeza muviri.

“Rimwe zuva pandaigeza muviri, ndakamuona achindidongorera nepahwindo. Ndakamubvunza kuti anozviitirei iye ndokundibvunza kuti ndinoda kuita sei nezvazvo?”.

Amai ava vanoti mushure mekushungurudzwa nehunhu hwemwanakomana wavo, vakazonomhan’ara kumapurisa ekuMzilikazi Police Station zvikaita kuti Algernon asungwe.

Achipawo divi rake pamberi pamutongi Lizwe Jamela, Algernon anobvuma mhosva yake ndokukumbira ruregerero nezvaakaita kuna amai vake.

“Mambo wangu, ndine hurombo nezvakaitika. Ndaienda kuchimbuzi uye handina kuziva kuti vainge vakarara nemumwe munhu.

“Ndakangoita kusanganidzana navo ndikavaona ndikashamisika nazvo.

‘‘Handizvo zvandainge ndakaronga kuti ndivaone vaine mudiwa wavo,” anodaro.

Otaura pamusoro penyaya yekudongoderera amai vake vachigeza, Algernon anoti, “Zvakangoitika ndisingafungidzire kuti zvichaitika, pandakadongorera nepahwindo vaive mukati vachigeza. Ndine hurombo kuna amai vangu nekuda kwaizvozvo.”

Tiffany nemwanakomana wake vachadzoka mudare nguva apo kutongwa kwenyaya iyi kuchaenderera mberi.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *