Akaroverwa rendi yeEcoCash

Muhamed Komboni MURUME wekuDangamvura, kwaMutare, akamiswa mudare reko achipomerwa mhosva yekurikita muroja wake mushure mekunge atadza kubhadhara mari yerendi iri musvo asi kuti neEcoCash. Brighton Chipinge akabvuma mhosva iyi paakamiswa…

Nhafu yamupinza munyatwa

Sukoluhle Ndlovu MURUME wekuZvishavane uyo ane makore 26 ekuberekwa akabata mazamu emumwe mukadzi anoita basa rekubika chikafu achitengesa pasina kutenderana naye achimupomera mhosva yekumupakurira kasadza kadiki. Nyaya iyi yakabuda pachena…

Extra lessons: Vabereki vonyunyuta

Muchaneta Chimuka SANGANO reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe (ARTUZ) rinoti zvakakosha kuti maticha atsigirwe kuti vakwanise kuita basa ravo nemazvo. Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa nesangano iri nevabereki kuChitungwiza svondo…

Imbozvitora selfie yemwoyo wako

naIgnatius Mabasa TOSE tine zvinhu zvinotifadza zvakanyanyisa zvekuti zvinhu izvozvo zvinogona kutipedzera nguva, kutipa misodzi, kana kutotiita setinopenga. Kune vanofadzwa nemimhanzi zvekuti vakatanga kutamba vanenge vachakwachuka gumbo vakasazvinzwa kuti radambuka. Vanotsika…

O-LEVEL: Zviperengo zvakanaka

SVONDO rino tichaita chidzidzo chiri maererano nekunyora zviperengo zvakanaka. Muchasiirwa basa rekuita iro munofanira kutumira mhinduro dzenyu dzamunofunga kuti ndidzo dzinopindura mibvunzo iyi. Vana vechikoro chete kubva paFomu 1 kusvika…

Rina manyanga hariputirwe: BEMBERA PADARE

naWedzerai Nhemachena TICHIBVA muhurukuro yatakaita svondo rakapera “mbudzi kudya mufenje hufana nyina” apo taikurudzirana kusaita nhafu mudzimba dzedu, mumakambani atinoshandira, kana mukushandira nyika, takaparura nyaya inoti “rina manyanga hariputirwe”. Ichokwadi…

Kudzora ndangariro

neZimpapers Knowledge Centre Chenji yanetsa kuKambuzuma (Kwayedza, 21 Chikumi 1985) VANHU vanonwa hwahwa mumabhawa ari murukisheni rweKambuzuma, muHarare, vari kunyunyuta. Vanoti vari kubirwa mari nemacashier emumabhawa eko. Cde Enos Muchaneta…

Zim yakagadzirira Coronavirus: Moyo

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, vanoti Zimbabwe yakagadzirira kudzivirira kutapurirwa kwechirwere cheCoronavirus (2019-nCoV) zvichitevera kudyidzana kwainoita nenyika yeChina, uko kwachakatangira.

Coronavirus chimbori chii?

Muchaneta Chimuka SANGANO reWorld Health Organisation (WHO) rinoti utachiona hweCoronavirus hunotanga apo munhu anonzwa kunge ari kupindwa nechando asi zvichizowedzera achizarirwa. Utachiona uhwu hunotapuriranwa zvakanyanya uye hakusati kwava nemushonga unorapa…

Muzukuru akaponderwa ‘Mafuta ekubikisa’

Muhamed Komboni MURUME wekuPenhalonga ari kutsvagwa nemapurisa nemeso matsvuku mushure mekutiza mhosva yaari kupomerwa yekurova muzukuru wake zvakaipisisa izvo zvakazokonzera kuti afe apo akange agubhura netsaona bhodhoro remafuta ekubikisa. Mutauriri…

×