NDAPERA KUNGE SIPO – MOSQUITO . . . ‘Munyama wemunhu wandakauraya’ . . . ‘Ndakaita mari, ikaperera muvakadzi’

ALFONSO ZVENYIKA — murume wekumboita mukurumbira muZimbabwe nepasi rose nemutambo wetsiva — ari kudemba achiti ave kudya nhoko dzezvironda zvichitevera kusanyatsoshandisa zvakana makutukutu emari yaakawana, zhinji yacho ikaperera mumadhirezi.

‘Imimba yashefu vekuVID’

MURUME anova samusha wekuendeswa kudare redzimhosva neaimbova mudzimai wake achinzi ari kumutambudza akazochema-chema mudare achiti akasiyana nemukadzi uyu mushure mekunge apihwa pamuviri nechikomba chake chinoshanda kuVehicle Inspection Department (VID).

MUGOTI WAKAURAYA MUNHU. . . vahosi nanyachide vachirwira murume

MAPURISA eZimbabwe Republic Police anoti ari kutsvaga mudzimai wekuMkwasine, kuMasvingo, nemeso matsvuku zvichitevera mhosva yaari kupomerwa yekuponda mukadzi waaive pachipari naye apo vairwira mabasa epamba anosanganisira kuwacha hembe dzemurume.

Vakazora chitunha ‘juju’

YAKAVE batai-batai parufu rwemwana mucheche svondo rakapera paseri papurazi reBiri, kwaSabhuku Chimutashu kwaChivero, apo dzimwe hama dzinonzi dzakasvikobvuta chitunha, ndokuchizora mushonga pamwe chete nemazamu aamai vemushakabvu uyu uyewo ndokuzomwaya mumwe muti mudzimba.

Hanzvadzi dzopumhana huroyi

HANZVADZIKOMANA nehanzvadzisikana vakamisidzana mudare redzimhosva vachipumhana huroyi hune chekuita nekushandisirana mushonga wemubobobo.

‘RUDO RWEVAROYI MA1’

NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti kune mhando nhatu dzehuroyi uye kana vadanana, vanongopanana rudo rwakasimba, asi pasina kuzadzana zvirwere zvepabonde kana kupanana mimba.

Vanasikana vosimudzirwa . . . First Lady vakaparura mabhezari

VANA vechikoro vesekondari vanosvika 100 vachabatsirwa nechirongwa chakavambwa nemudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxillia Mnangagwa avo vakawanisa mabhezari kuvanasikana vari kumatunhu gumi enyika.

MAONERO EDU: Remwangwana rirongere

MUUPENYU, chimwe nechimwe chine nguva yacho uye kana munhu akawana mukana wekusimudzira upenyu hwake, anofanirwa kuubatisisa oushandisa nemazvo.

Ndadzoka: Malajila

MUTAMBI weBlack Leopards yekuSouth Africa – Cuthbert “Cazola” Malajila – anoti ave kunzwa kufefeterwa nemhepo zvichitevera kutengwa kwaakaitwa nechikwata chake chitsva.

Kurwisa HIV mumajeri

KAMBENI yepasi rose iripo parizvino yekurwisa HIV – Ziva paumire – yakapinda mumajeri akasiyana nechinangwa chekukusha ruzivo maringe nenyaya dzeutano hwesikarudzi, HIV neAIDS, rurindi pamwe nezvimwe zvirwere zvepabonde.

×