Seed Co yodzidzisa varimi vemuriwo
RAKANGE riri zuva rezvidzidzo kuvarimi musi wa2 Chikunguru kumadiridziro ePanganai Irrigation Scheme, kwa Mambo Nhema, kuZaka.
Magariro aVaShona
UCHISHANDISA nhetembo shanu kubva munhetembo dzokurova bembera nedzejikinyira kana mavingu, tsanangura zvaishungurudza VaShona mumagariro avo. [25]
Vopunduka nemadiridziro muchirimo
VARIMI makumi mana vekwaMambo Neuso, kuSanyati vopunduka nechirongwa chemadiridzo chekurima zvirimwa zvakasiyana munguva yose yegore vachitengesa.
Kusanduka kwemamiriro ekunze kworwiswa
MADZIMAI anodarika mazana maviri ekuDomboshava ofundiswa maringe nenzira dzekurima dzinofambirana nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze nechinangwa chekuti nyika isaite nzara neurombo.
Mhuka nevana vadzo
KOTORO yepiri yakauya ikatodarika zvichireva kupindana kwamazuva. Nebvunzo zvakare ratova muberevere zvekuti hapachina nguva yekutombotambisa. Zvava kutoda kungoti sika sika nawo mabhuku dzamara musi wa4 Gumiguru wasvika.
Murume chaiye anoziva paamire
DUDZIRO yechirevo chinotaura nezvemurume chaiye yakabuda pamusangano wevarume uyo wakaitwa svondo radarika kuHarare International Conference Centre apo muenzi mukuru aiva mudzimai wemutungamiri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa.
‘NDINOMUDYISA TSVINA YANGU’…‘Nyoro kana yakaomeswa’
Kingstone Mapupu “TINODYISA varume chikafu chatinosanganisa netsvina yedu — nyoro kana yakaomeswa. Ndiyo ‘spice’ yacho.” Varume vasingade kudarikwa nemarokwe kana vaye vanoita barika kana vanodya ku”small house” hokoyo! Kune vakadzi…
‘Mosquito’ odashurwa nevana
MUCHINDA wekumbonetsa mumutambo wetsiva, Alfonso “Mosquito” Zvenyika, anonzi “ari kupihwa zvinhu zvake” — aoneswa nhamo nekurohwa nevana vake vachimuti akaromba uye kumuti atadza kuvatoresa magwaro ekuzvarwa.
5 ‘DAYS’ AKAFUSHIRWA
MURUME wechidiki wekwaMambo Hozhele, kuSanyati — uyo anoita basa rehukorokoza — anoti akapona neburi retsono apo akapedza mazuva mashanu akatsitsirirwa pasi pemugodhi weCricket Mine, kuKadoma, mushure mekunge wakadhirika nguva yadarika pakafa vanhu 24.
‘Zim, Zambia Zvakafanana’
MUTAMBI wemaWarriors pamwechete nechikwata cheLusaka Dynamos chekuZambia – Dennis Dauda – anoti nhabvu yekunyika iyi haina kunyanya kusiyana neyemuno uye achiri neshuviro yekuzonotambira kuEurope kana achinge awaniswa mukana.






