Vodzidzisa vana kwakabva Zim
SANGANO rakazvimirira reZimbabwe Heroes Shrines Services and Education Trust (ZiHSSET) – iro rakaumbwa nevaive varwi vehondo yerusununguko rweZimbabwe – rinoti rakavamba zvirongwa zvekudzidzisa vana vechikoro kukosha kwehondo yerusununguko kuburikidza nekuti vashanyire nzvimbo dzakavigwa magamba sekuChimoio, kunyika yeMozambique.
Simon Chimbetu orangarirwa
MUIMBI wemusambo weDendera anogara kwaMurehwa anoti ari kutevera matsimba evaimbi vaive nemukurumbira vanoti Simon Chimbetu naNaison Chimbetu uye akatobura dambarefu rake rekutanga rinonzi “Ndafunga Simon” senzira yekurangarira mushakabvu uyu.
Madhumeni oita chirongwa muzvikoro
KAMBANI yakazvimirira yeHarvestPlus yakavamba chirongwa chekupakura dzidzo yezvekurima kuvana vechikoro ichibatsirana nemadhumeni kumativi ose eZimbabwe nedonzvo rekuvandudza zvidzidzo zvemabasa emaoko uyewo nekuti vana vawane chikafu chinovaka muviri apo vanopihwa zvekudya kuchikoro pasi peSchool Feeding Programme.
Grade 7 : Chenjedzo maererano nebvunzo
TATI tiyeuchidzane zvatakatarisana nazvo nguva ichiripo, tione kuti tingaite tichiwedzera mwando kuitira musi webvunzo moto uwanikwe wakabaka pasina anenge achipindwa nechando. Chero zvazvo pepa rehurongwa hwemanyorerwo achaitwa bvunzo regore rino risati rasvika muvanhu, runyerekupe rwune shoko rekuti bvunzo iri richatanga musi wa23 Gunyana izvo zvisati zvakamboitika mumakore apfuura. Tinoziva tose kuti taiti bvunzo rinonyorwa muna Gumiguru apo vanhu vazhinji vanenge vapedza kuita gadziriro. Zvino gore rino ringangokasika kutanga.
O-LEVEL — RUKUVHUTE
SARUDZA nhetembo dzinobuda muna Rukuvhute dzinoburitsa dingindira rezvematongerwo enyika/hondo yeChimurenga.
Kupfeka wivhi inenge dendere
KARE varungu vasati vauya munyika ino, nzira dzataiziva dzaive nzira dzakapfumbidzwa nemhuka kana nevanhu. Nzira idzi dzaive dzechinyakare, uye vanhu vaifamba munzira idzi vaidziziva. Kunze kwekuzivikanwa, nzira idzi dzechinyakare dzaiti dzikasafambwa, nekufamba kwenguva dzaidzimika. Dzaimera sora nemiti dzotokanganwikwa.
Kodzero yemidziyo neMarriages Bill
GAKAVA riripo parizvino pamusoro pegwaro riri pakati pekuzeyewa kuti rizove mutemo unoona nezvewanano reMarriages Bill raita kuti nyaya yekodzero yemidziyo panguva iyo vanhu vanenge vari muwanano ipinde mudariro zvakare.
A-LEVEL — UGo HWAMADZINZA AVASHONA
SVONDO rino tichangoita nhanganyaya yebhuku rino. Svondo rinotevera ndiro ratichatanga kuita ongororo yemibvunzo nemhinduro.
‘Ndakasungisa munhu asiriye . . .’‘baba ndivo Vakandibhinya’
MUSIKANA wekwaMurehwa ane makore 20 okuberekwa ari kuti akasungisa munhu asina mhosva apo akabatwa chibharo nababa vake vekumubereka, asi iye ndokufurirwa kumhan’arira mumwewo murume wemumaraini, uyo ava kumuka ngozi achiti, “wakandisungisirei ndisina mhaka?”
Anodanana na‘bhoki’
MURUME tsvimborume uyo anogara mumusha weManyame Park, kuSt Mary’s, kuChitungwiza, anoti zvaari kuita zvekudanana nembwa — “Bhoki” chaiyo — zvava kutoda dzikinuro sezvo iye zviri kumukunda.






