Ongororwa uzive paumire

Abel Ndooka
BAZI revechidiki, mitambo nekutandara rinoti shasha dzemitambo yakasiyana dzine basa guru mukurwisa kupararira kweHIV neAIDS kuburikidza nekukurudzira veruzhinji kuti vazvibate uye kuti vavhenekwe kuitira kuti vazive pavamire.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera naVaMasimba Mutemaringa, avo vanova sports and recreation officer mubazi iri, pamusangano wakarongwa neNational AIDS Council kuKadoma.

“Danho ratiri kutora isu sebazi reHurumende kuti shasha dzemitambo yakasiyana dzinofanirwa kuonekwa dzichienda pamberi pakurwisa kupararira kwezvirwere zvakasiyana, kunyanya cheHIV neAIDS.

“Denda iri iguru uye raparadza vanhu vazhinji saka shasha dzemitambo ngadziwanikwe dzichienda pamberi dzichikurudzira veruzhinji kuti vazvibate, kuitira kuti kutapurirana kwechirwere ichi kudzikire,” vanodaro VaMutemaringa.

Vanoti tsvakurudzo yakaitwa nanamazvikota inoratidza kuti vanhu vanosvika 40 miriyoni pasi rose vari kurarama neutachiona hweHIV apo vazhinji vacho vari mune zvemitambo.

“HIV neAIDS zviri kuda kuparadza remangwana remitambo yedu saka munhu wose ari kufanirwa kubata basa mukurwisa kupedza kupararira kweutachiona uhu.

“Mukudaro, tiri kushevedza munhu wose kuti tibatirane pamwe chete mukurwisa chirwere ichi,” vanodaro VaMutemaringa.

Vachitaurawo pagungano iri, chamangwiza weAIDS neTB Unit kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Owen Mugurungi, vanoti senyika, shuviro ndeyekupedza kupararira kweutachiona hweHIV panosvika gore ra2030.

“Tiri kushanda kuti patinosvika gore ra2030 pange pasisina kupararira kana kutapurirana utachiona hweHIV neAIDS uye pashaikwe dzimwe nyaya dzine chekuita neHIV neAIDS,” vanodaro Dr Mugurungi.

 

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *