Kasvava kekumera mazamu kakapora
MUKADZI wechidiki akaroorwa kuHurungwe — uyo anoti abatwa chibharo natezvara baba vemurume wake mbune, ndokumitiswa akazozvara kasvava ako kakazomera mazamu aibuda mukaka – anonzi akazobatsirwa kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals.
Baba vopatisa mwana musha
MUDZIMAI wekuGlen View, muHarare, anoti murume wake ari kumushungurudza nekumurova apo anonyepera kunge akadhakwa uye mwana wavo akatomutsvagira kumwe kwekunogara nekuda kwekufurufushwa kwaari kuitwa nababa vake.
Amai vanokosha, vaitirei madanha
NEMUSI weSvondo wadarika, Zimbabwe nedzimwe nyika pasi rose dzakapemberera zuva rekukosha kwanaamai reMothers Day.
Akaumburudza amai nemwana wavo
MURUME wekwaSeke – wekubatwa nemhosva yekuzvindikita mudzimai nemwanasikana wake mushure mekunge vamuramwira kasvava vachiti anofanira kukatengera chikafu – ava kuzvidemba zvichitevera kutongerwa kwaakaitwa nedare kugara mujeri kwemwedzi miviri nechidimbu kana kubvisa faindi.
‘Akatora murume ndiri muchipatara’
MUKADZI nyachide pabarika, wekuendesa vahosi vake kudare achiti vari kumushaisa rugare akazoshaya pekupinda nenyadzi mushure mekunzi akatotiza aimbova murume wake achienda pachipari.
Zverudo nekuroorana
ZVINODA kuti timboswatanudza pfungwa tichimbotaura zvakanangana nerudo. Zvatava mugwaro rechinomwe hazvirevi kuti takura kuita nyaya dzezverudo, asi kuti chete tayaruka zvekufanirwa kuva neruzivo pamusoro pezvimwe zvezvinhu zvakatikomberedza.
O-LEVEL — RUKUVHUTE
MUMASVONDO apfuura takanga tichiongorora bhuku renganonyorwa rinonzi Manyambiri.
Kana uri bhara usade kuita bhasikoro
RIMWE zuva muvhimi akabuda mumba make achienda musango. Achingoti musango pindikiti, akabva aona gondo richibhururuka nepamusoro pake. Gondo iri rakanga rakatswinya kambeva nenzara dzaro. Kambeva kakanga kachibuda ropa uye kachiratidza kuti kakanga kangomirira kufa nekudyiwa.
Ndedzipi kodzero dzangu muwanano?
MUCHIKAMU chekutanga svondo rapera, takakurukura maringe nekodzero dzinowana munhu kana achinge apinda muwanano.


