Imbodya sadza nehowa

HOWA kudya kunovaka muviri sezvo kuine mapuroteni ayo akanakira pakudzivirira zvirwere.

Idai: Zvikoro zvinoda rubatsiro nekukasika

ZVIVAKWA zvekushandisa kwenguva duku sematende, zvigaro nezvimwe zvinosevenzeswa mukudzidza zviri kudiwa nechimbi-chimbi kumatunhu enyika akasangana nenjodzi yemvura yaive nedutumupengo yeCyclone Idai nguva pfupi yadarika.

‘Ndisiye ndidanane nemurume wako’

MUKADZI wekuSouthlea Park, muHarare, akaendesa mudzimai wemurume waari kudanana naye kudare achiti ari kumufurufusha achimutadzisa kusasana nechikomba chake.

Seed Co ihochekoche nevarimi

AKANGA ari makuwerere pamusha waBaba naMai Matanhire vekuPortlet Estate, kuMakonde, mudunhu reMashonaland West.

‘Squad yakanaka asi. . .’

SHASHA dzakambonetsa dzichitambira maWarriors pamwe nevaongorori vemutambo uyu vanoti chikwata chaSunday ‘Mhofu’ Chidzambwa icho chakasarudzwa kuti chinomirira nyika kumutambo weAfrica Cup of Nations chakanaka kunyangwe zvazvo vamwe vatambi vakaita saWillard Katsande naCosta Nhamoinesu vaifanira kuvewo muchikwata ichi.

Fodya yatengeswa inokosha US$140 m

FODYA yakatengeswa kumisika yakasiyana kubvira kutanga kwemwaka wekutengesa chirimwa ichi makgs 78 144 139 ayo anokosha US$140 275 854 asi ishoma kana zvichienzaniswa neyaive yatengeswa panguva imwechete iyi gore radarika.

ZB Bank yoronga makwikwi ezvikoro

BHANGA reZB Bank rakabatana neveEmerginations Africa nedonzvo rekusimudzira fundo yevana vari muzvikoro zvesekondari kuti vazove vanamuzvinabhizimusi vemangwana kuburikidza nemakwikwi ekuratidza hunyanzvi hwavo munyaya dzekufambiswa kwemabasa.

CID pfacha aine nyanga dzenzou

CHIKWATA chematikitivha emapurisa eCriminal Investigations Department (CID) nguva yadarika chakasunga murume wechidiki wekuHurungwe uyo anonzi akawanikwa aine nyanga dzenzou mbiri idzo aitengesa.

Matani 5 000 akaendeswa kuGMB

VARIMI vakatanga kuendesa chibage chavo kudura guru reGrain Marketing Board uye kubvira kutanga kwemwaka wekutengesa chirimwa ichi nemusi wa1 Kubvumbi, vaendesa matani anosvika 5 000.

Vochema ‘Mbuya Muyananisi’

VAGARI vekuZaka, kudunhu reMasvingo,  vanoti vane kurwadziwa kukuru zvichitevera kushaika kweimwe chembere yeko iyo yavanoti yanga ichisunganidza dzimba dzevakaroorana uye yaisada kunzwa nezvevanhu vanorambana.