‘Akazviruza’ akecha mubhawa

Kingstone Mapupu MURUME anogara papurazi reGoodhope, kuMazowe, akazoigochera pautsi apo akakecha mumwe mukadzi anotengesa muviri mubhawa reko, ndokushinha vose achibva amubhadhara mari shoma, pashure ndokuzongoerekana “azviruza” apo akaona asisina sikarudzi…

Hurongwa hwezvikoro zvakaparadzwa necyclone

Daniel Mhonda HURUMENDE iri kuvakurudza zvikoro zvakaparadzwa nemafashamu emvura yaive nedutumupengo yeCyclone Idai kuManicaland ichishanda muzvikamu zvitatu apo chikamu chekutanga chichange chiri chekuvaka nzvimbo dzichafanoshandiswa nevana pakudzidza kwavo. VaEdward Shumba,…

Zvaungaite kudzivirira kutapurirwa HIV

KANA uri munhu ari kurarama neutachiona hweHIV, chinhu chakakosha chaungaita kuti unge uchidzivirira kutapurirwa kurarama zvine utano uchitora mishonga yako yakadai semaAnti-Retroviral Therapy zuva nezuva sekunyorwa kwazvinenge zvakaitwa nemachiremba. Zvimwe…

Kurimwa kwembatatisi kwosimudzirwa

Rutendo Rori HURUMENDE inoti ine hurongwa hwekutsigira kurimwa kwembatatisi pasi pechirongwa cheCommand Agriculture nedonzvo rekuti munyika muve nechikafu chinokwanirana, gurukota rebazi rinoona nezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu patsva…

Shandisai mukana wehunyoro hwevhu: ZFU

Kingstone Mapupu SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinokurudzira varimi kuti vashandise mukana wehunyoro huriko muvhu nekurima kwemuchando (winter ploughing) kana vachinge vakohwa zvirimwa zvavo zvakasiyana izvo zvinobatsira kuti vasazonetsekana nekurima…

MAGETSI MUZVIKORO!… 4 000 kumaruwa zvatova nawo: REA

Muchaneta Chimuka BAZI reRural Electrification Agency (REA) rinoti rakaisa magetsi muzvikoro zvepuraimari nesekondari zvekumaruwa zvinosvika 4 000 munyika yose uyewo nezvimwe zvivakwa zvakaita semakiriniki, mabhizimisi nemisha yeveruzhinji. Kuiswa kwemagetsi muzvikoro…

Handizvo zvandiri: Tin Tin

Abel Ndooka MUTAMBI wemadhirama nemafirimu ane mukurumbira — Tinopona “Tin Tin” Katsande – anoti kushanda nesimba uye kuzvininipisa kunodiwa kana munhu achida kubudirira mune zvemafirimu. Tin-Tin anoti kuti iye asvike padanho…

First Lady vobatsira vanoshaya

Tendai Rupapa MUDZIMAI wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxilla Mnangagwa nemusi weMuvhuro uno vakapa rubatsiro rwezvinhu zvakasiyana zvinosanganisira zvekudya, magumbeze nehembe zvinokosha zviuru nezviuru zvemadhora kumisha inochengeta nherera nevakwegura muHarare.…

‘Zvakanaka kuti mwana adzidze nemimba’

Muchaneta Chimuka VABEREKI nevana vechikoro votambira nepakasiyana mutemo unoti vanasikana vanoita pamuviri vari pachikoro havafanirwe kudzingwa, asi kuti vasiiwe vachienderera mberi nedzidzo yavo kana vachida, sezviri mumutemo weStatutory Instrument 362…

Zim yonopakura ruzivo rweropa

Muchaneta Chimuka SANGANO reNational Blood Services Zimbabwe (NBSZ) rakasarudzwa pakati pemamwe masangano emunyika nhanhatu pasi rose kuti ringe richinopakura ruzivo maererano nekupa uye kugadzirwa kweropa nenzira inoita kuti risave nenjodzi…