Muchaneta Chimuka
VABEREKI nevana vechikoro votambira nepakasiyana mutemo unoti vanasikana vanoita pamuviri vari pachikoro havafanirwe kudzingwa, asi kuti vasiiwe vachienderera mberi nedzidzo yavo kana vachida, sezviri mumutemo weStatutory Instrument 362 ne363 of 1998.
Mutemo uyu unoti mukuru wechikoro — mushure mekuona kuti mwana ane pamuviri — anofanirwa kushevedza vabereki vemwana uyu kuchikoro voonesana kuti pamuviri apa pakauya nechibharo here kana kuti nekubvumirana. Vanozoona kuti mwana oramba ari pachikoro here kana kuti oregedza.
Vabereki kana vaine chido chekuti mwana aenderere mberi nechikoro, vanofanira kumutsigira kusanganisira kuti ange ahipangwa mazano nekuti parambe pachiitwa ongororo.
Asi, mutemo uyu hauna chengetedzo kumwanakomana anenge aitisa musikana pamuviri ari pachikoro, nokudaro mukomana anodzingwa achinotsvagirwa nzvimbo kune chimwe chikoro. Kwayedza svondo rino inoita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana avo vanopa pfungwa dzavo pamusoro pemutemo uyu.
VaSam Kamoto (53) vekuChitungwiza vanoti dzaive pfungwa dzevabereki vekare dzekuti kana mwana achinge amitiswa, anobva asiiswa chikoro.
“Ndiri ini hangu, mwana wangu ndinoendesa kuchikoro nekuti ndinenge ndichida kugadzirisa remangwana rake,” vanodaro.
Asi Jacob Mutandiri (25) anoti zvinonyadzisa kuona mwana wechikoro aine nhumbu, saka zvinogona kumudzikisira opedzisira oshungurudzika mupfungwa.
“Mwana ane pamuviri anogona kudofora nekuti anenge ava kungokotsira muchikoro uye anotarisirwa pasi nevamwe vadzidzi zvose nematicha. Kana mwana amitiswa, zviri nani ambomira chikoro ozoenda kana asununguka,” anodaro.
Kuchiti Lucia Mangani – uyo anodzidza paRoosevelt Girls High – anoti kukanganisa kunowanikwa muupenyu, saka kana mwana wechikoro achinge amitiswa, anofanirwa kuenderera mberi nedzidzo kuti afundise vamwe nezvekutadza kwake.
Chiedza Wairesi, uyo anofunda pachikoro chimwe chete ichi, anoti anoona zvakakosha kuti vanenge vamitiswa vaenderere mberi nedzidzo yavo.
“Dzidzo mukana unouya nenguva saka kana munhu akambomiswa chikoro, anorasikirwa zvikuru. Vamwe vakatorambidzwa kuenda kuchikoro asi mugumo wacho vanogona kuzoramba vachimitiswa vari kudzimba pane kuti vange vari muzvikoro vachidzidza kubva mukutadza kwavanenge vamboita kuti zvakaipa,” anodaro.
Tanaka Motsi wekuSt John High anoti musikana nemukomana vanenge vamitisana vari pachikoro vose vanofanirwa kubviswa pachikoro ipapo vachiendeswa kune zvimwe zvikoro.
“Kana vana vakasabviswa pachikoro vanogona kuzodzokorora zvakare kumitisana uye vamwe vana vanogona kuzoona sekunge zvakanaka asi kana vakazosara vachibvunza kuti vamwe vedu vakaenda kupi zvinounza pfungwa yekutya kune vanosara kuti vasazviitewo,” anodaro.



