Hurongwa hwezvikoro zvakaparadzwa necyclone

Daniel Mhonda
HURUMENDE iri kuvakurudza zvikoro zvakaparadzwa nemafashamu emvura yaive nedutumupengo yeCyclone Idai kuManicaland ichishanda muzvikamu zvitatu apo chikamu chekutanga chichange chiri chekuvaka nzvimbo dzichafanoshandiswa nevana pakudzidza kwavo.

VaEdward Shumba, avo vanova mukuru wedzidzo kudunhu reManicaland, vanoti zvikoro zvakaparadzwa uye zvakawaniswa zvimbuzi nemvura bedzi ndizvo zvichange zvichivhurwa pamazuva achaziviswa neHurumende.

“Zvikoro zvakakanganiswa neCyclone Idai zvichavakurudzwa muzvikamu zvitatu apo chikamu chekutanga chiri chekuvaka pachafanoshandiswa nevadzidzi mukufunda. Izvi zvakavapo kuitira kuti vana vakwanise kudzokera kuchikoro apo chikamu chekupedzisira chiri kuonekwa nebazi rinoona nezvemabasa everuzhinji nekuvakwa kwedzimba,” vanodaro.

VaShumba vanoti dzimba dzichafanoshandiswa nevarairidzi dzichavakwa zvakare.
“Tichaona zvakare kuti varairidzi vakashungurudzwa nemafashamu aya vange vachibatsirwa kuitira kuti vashande zvakanaka,” vanodaro.

Vanoti havasi kuzomhanyira kuti zvikoro izvi zvinge zvichivhurwa kana pasina nzvimbo dzakanaka dzekufundira.
Bazi repuraimari nesekondari, richishanda pamwe chete neveCivil Protection Department, vari mubishi kuvakurudza zvikoro zvakaparadzwa nemafashamu mudunhu reManicaland.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *