‘2 days’ vachirova harahwa . . . kusvikira yafa . . . hanzi muroyi
MUNYAYA inoburitsa kuipa kwekupumha munhu huroyi, harahwa yekwaChivi, kuMasvingo, yakafa rufu rwunorwadza apo yakaitwa dititi kurohwa kwemazuva maviri akatevedzana nevanhu vehukama avo vaiipomera kuva muroyi ane zvidhoma izvo zvinonzi zvapedza kuuraya vemhuri nekuvapa minyama.
Mudzimai wemunhu Hutu pa ‘next door’. . . zvose nemombe shanu
MURUME anogara kubhuku rekwaZiyadinga, kuEsigodini, kuMatabeleland South, akagurwa kunorira nemudzimai wake uyo waange agara naye kwemakore gumi zvichitevera kutizira kwaakaita kumurume anova muvakidzani wavo.
MABWE ONAYA PAMUSHA
VATORI venhau veKwayedza vakabviswa chiri kumeso nemusi weChitatu svondo rakapera apo vakapotswa nemazitombo nezvidhinha izvo zvaingobva mumhepo mushure mekunge vaenda pamusha peimwe mhuri apo panonzi panongonaya mabwe achibva mumhepo kuBudiriro 5, muHarare.
Omutswa kuhope nechipoko chagogo
MURUME wekuInyathi, kuBubi, mudunhu reMatabeleland North, anoti aoneswa ndondo nechipoko chaambuya vake icho chinouya chichimumutsa ari kuhope uye dzimwe nguva anochiona akasvinura.
Mambo akarikitwa parufu
YAKAVA batai-batai parufu rwemumwe murume kuZhombe nguva pfupi yadarika apo hama dzemushakabvu dzakapandukirana, ndokutanga kurwisana zvikazoita kuti vagumisire vabatanidzira namambo veko muzvimbokoma izvi, uyo wavakarova apo aiedza kuvarandudzira.
Akabairwa nebanga $5
MURUME wekuChitungwiza wekubatwa nemhosva mudare yekubaya munhu nebanga paruwoko nepachipfuva nekuda kweRTGS$5 yemanyepo akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore manomwe.
Mombe yakabereka bere
MUBHUKU raMakunde Zhakata, kwaMambo Chipuriro, kuGuruve, munonzi makaitika mashura emombe dzepane mumwe musha idzo dzinonzi dzakafuma dzakasungwa miromo nemachira matsvuku nemachena apo rimwe tsiru ranga riine zamu razobereka chimhuka chiri kunzi ibere.
Ruzivo rwunochengetedza upenyu pasitendi yeNAC kuZITF
SANGANO reNational AIDS Council (NAC) – semakore ose – richange richiita zvirongwa zvaro zvekufundisa vanhu maringe neutachiona hweHIV kugungano rechirongwa che60th Edition Zimbabwe International Trade Fair (ZITF) pasi pedingindira rinoti “Kusimudzirwa kwemabhizimusi”.
Murungu anofarira shona
MUMWE muverengi mukuru webepanhau reKwayedza – uyo anove wechichena – anoti zvakakosha kuti vanhu varemekedze mitauro yavo sezvo iri iyo inoumba hunhu netsika dzakanaka.
Vemabhizimisi vorumbidza rusununguko
VANAMUZVINABHIZIMISI vanorumbidza kuwana kwakaita Zimbabwe rusununguko rwekuzvitonga kuzere vachiti izvi zvapa mukana kuvanhu vatema wekuti vavambe mabhizimisi avo vachizvishandira kusiyana nakare apo nyika ino yaive pasi pehutongi hwevachena.











