Vorumbidza chirongwa chekupa vana chikafu

MUKURU wedzidzo mudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, vanoti chirongwa chekupa vana zvekudya muzvikoro – cheSchool Feeding Programme – chiri kubatsira zvikuru pakuti vana vadzidze vakagwinya uye vasingarovhe chikoro.

‘Ndakakuti uri muroyi nekuti wakandiruma’

MADZIMAI maviri anogara kuGlen Norah C, muHarare – avo anove vavakidzani – vakakandirana mashoko makobvu nematete mudare mumwe achiti akanzi muroyi uye haagone kupfeka mbatya dzinoenderana naye sezvo achipfeka sechembere.

Muzukuru odzinga ambuya

VANHU vaive mudare vakakahadzika apo ambuya nemuzukuru vakatsvukisirana maziso vachikakavadzana nekuda kwenyaya yemba yakasiiwa nemushakabvu.

MAONERO EDU: Kuchembera handi kuroya

SVONDO rapera takaburitsa nyaya inosuwisa zvikuru yeharahwa inonzi yakapondwa nehama dzayo kuMasvingo ichipomerwa kuti muroyi.

‘Daddy ndimi Makabhinya Mwana wedu’

MUDZIMAI wemuHarare — wekunzi haabvire nekuenda kumaraini achifamba kunge “akamedza kabhasikoro” — akazofumura murume wake mudare achiti akashandisa mushonga kuti apunyuke mhosva yaaipomerwa yekubata mwanasikana wavo chibharo.

Madingindira ari munyaya

Hukama hunoburitswa sechinhu chinosunganidza vanhu veropa rimwe chete. Kudhonzerana kwese nematambudziko ari kuwira vanhu mumutambo uyu kuri kukonzerwa nekukosha kwehukama. Cindy anenge achivenga hama dzemurume kunyanya VaHaruna vaive amai vemurume wake achiti ngavadzokere kumusha nekuti vanoroya. Cindy anovenga Maggie, mwanasikana waRuvengo waakanga aita nemudzimai wake akafa achiti aive asiri mwana wake. Cindy anorwadziwa nekuchengeta hama dzemurume wake achiti aisadzishandira uye aive asina mari yekutambisa nekudzichengeta.

‘Kuti usisandide, enda neni kwawakanditora’

MUDZIMAI wekunzi nemurume wake akamupa gupuro asi ari kuramba kudzokera kumusha kwake akashamisika zvikuru achiti haana kurambana nemurume uyu uye akatotanga kuzvinzwa mudare kuti haachamuda.

Zvichienda zvakadaro semabhatani ehovhorosi

NDIWE Mary, Chipo, Rachel, Grace, Maggie kana Elizabeth? Tese tine mazita atakapihwa nevabereki, kana atakapihwa nevamwe vanhu vanotiziva kana atakapihwa nevatori venhau. Tese tine mazita atinoshevedzwa nawo tichidaira.

Nyaya yekuponda yakora muto

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti akasunga mumwezve munhu nemhosva yekuponda harahwa yekuMasvingo – iyo inonzi yakafa mushure mekurohwa kwemazuva maviri nevehukama ichipomerwa kuroya.

Mitupo, zvidawo nemadzinza

ZVINODA kuti timbopota tichidzikamisa mafambiro edu mukugadzirira bvunzo tichimbobatawo zvakavanzika kumazera edu kuti tigova neruzivo pamusoro pazvo. Nemhaka yekuti takazvarwa zvinoreva izvo kuti tine kwatakabva nako kudzamara tava kuzodanwa nemazita atinawo. Vanhu vese vane gwanza ravakabva naro zvichibvira namadzitateguru.