Tinoda runyararo: President
MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa vanoti zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvirambe zvakabatana uye zvichichengetedza runyararo nerusununguko rwenyika.
Muzongondi iNo. 1 . . . Zvibodzwa 41 mumwaka . . . ‘Ndinoda kuita saChunga’
FELISTAS “Figo” Muzongondi (33) – uyo akaita mukurumbira wekunwisa zvibodzwa 41 gore rakapera munhabvu yevasikana achitambira chikwata cheBlack Rhinos Queens – anoti kutamba kwake nhabvu ruremekedzo rukuru rwaanopa kuvabereki vake.
Pasika: Chinamato nechivanhu
VERUZHINJI vanoti vagadzirira zororo rePasika apo vachaenda kumagungano emachechi akasiyana uye vamwewo vachitora mukana uyu kunobika doro rekupira midzimu yavo senzira yekuitenda nekuchengetwa kwavari kuitwa muupenyu.
‘Tinofarira kuzvitonga kuzere’
VERUZHINJI vanoti nhasi uno vasununguka sezvo vave kukwanisa kuita mabhindauko akasiyana, kunamata machechi avanoda pamwe nekupira midzimu pamadiro nekuda kwekuwana kwakaita Zimbabwe kuzvitonga kuzere mugore ra1980.
Zvinoitika, handi huroyi: VET
MUKURU webazi reDepartment of Veterinary Services kudivi rezvemhuka, Dr Josphat Nyika, vanoti zvinokwanisa kuitika kuti mhuka kana zvimwe zvipfuyo zvinogona kubereka mhuru isinganzwisisike chimiro chayo nekuda kwekukanganiswa kwekuumbwa kwainenge yakaitwa isati yazvarwa.
Makuwerere neSeed Co kuZaka. . . varimi vakadzidziswa zvakawanda
KWAISADANWI anonzwa kuChipinda Ward 1, kuZaka mudunhu reMasvingo nemusi wa10 Kubvimbi apo varimi vemuZaka vakakoromoka kuzodzidza nekupembera hunyanzvi hwekurima (field day) pamba paHonourable Chakona.
KUROVA VANA IMHOSVA . . . ‘Kutyora kudzero dzavo’ . . .
MUTONGO wakapihwa nedare reConstitutional Court nguva pfupi yadarika uyo unorambidza kurohwa kwevechidiki zviri pamutemo sechirango mushure mukunge vapara mhosva dzakasiyana wokonzera mitauro apo vamwe vari kuutsigira asi vamwe vachinyunyuta.
Varimi vorumbidza mitengo mitsva
VARIMI vakatambira nemufaro mitengo mitsva yezvirimwa zvakasiyana yakaziviswa neHurumende svondo rapera vachiti zvichaita kuti vawane pundutso mubasa ravo, asi vari kukumbira kuti mitengo yezvekushandisa ive yakagadzikana.
Boka yosimudzira kurimwa kweChia
KAMBANI yeBoka Tobacco Auction Floors (BTF) yosimudzira kurimwa kwechirimwa chitsva cheChia kumativi mana enyika yakabatana neChia Growers Zimbabwe Private (Limited).
Nzira itsva dzekudzidza pamwe nekudzidzisa
ZVIKORO zvinodarika 30 zvekudunhu reManicaland zvinotarisirwa kubatsirika zvikuru nechirongwa cheICT Transforming Education in Africa icho chiri kuitwa neUNESCO munyika nhatu dzemuAfrica.











