Mutemo unochengetedza here vanhukadzi kumhirizhonga?
MUCHINYORWA cheZimbabwe Electronic Law Journal chine musoro unoti, “Zvirango zvikuru zvemhirizhonga” Professor Feltoe vanotsanangura nezvekukosha kwemutemo wekurwisa mhirizhonga weDomestic Violence Act vachiti chinangwa chawo ndechekuchengetedza vanhukadzi kubva kumhirizhonga.
Zvaidyiwa nevanhu kare
MISHONGA yese yotowana muzvipatara mazuva ano inobva mumakwenzi ari mumatunhu atinogara kunyanya mumaruwa nokudaro kurwara rwara kwaiva kushoma nekuti tvanhu vakare vaigara vadzivirira zvirwere nekuda kwezvavaidya. Kana nanhasi, kuva neruzivo pamusoro pezvekudya uku kunobatsira zvikuru kana tichida kudzivirira matenda.
Akarovera baba kumubira
MURUME wekuChitungwiza akamiswa mudare redzimhosva reko nemhaka yekutema baba vake nesimbi achivapomera kuti vainge vamubira mari.
Usaende kumasowe, izvi hazvidi madzibaba
KUNE zvinhu zvakawanda zviri kuitika. Kana usiri kuzviona usapedze nguva uchienda kumasowe nekuti hazvidi madzibaba.
ZVIKORO 43 ZVAVHARWA
MUKURU wezvedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, vanoti Hurumende yakavharisa zvikoro 43 zviri kuChimanimani mushure mekunge zvakaparadzwa nemafashamu emvura yaive nedutumupengo yeCyclone Idai masvondo adarika.
Garikai anorova baba vake Gladys
MURUME samusha wekuMbare, muHarare, akaendesa mwanakomana wavo kudare achiti ari kugara achimurwisa mushure mekunge amuudza kuti abve pamba pavo, atsvage kumwe kwekunoroja zvichitevera kuroora kwaakaita.
Switzerland yocheresa zvibhorani
NYIKA yeSwitzerland — kuburikidza nechirongwa chayo cheSwiss Humanitarian Aid —yakabatsira neUS$2 miriyoni kuti ishandiswe mukuyamura vanhu vakasangana nenjodzi yemafashamu emvuya yakaunzwa nedutumupengo reCyclone Idai muZimbabwe, Mozambique nekuMalawi.
‘Landlord’ ofemeswa neroja
VANHU vaiva mudare vakakahadzika apo mumwe mudzimai akati haazi kukwanisa kubika zvekudya pachitofu chake chemagetsi nekuda kwekuti muroja wake akabvisa tambo dzaivepo achiisa dzake uye anomukwidzira izwi pose paanotaura naye.
‘Koshesai zvidzidzo zvemabasa’
ZVIKORO zviri kukurudzirwa kuti zvikoshese zvidzidzo zvemabasa emawoko uye kuti zvisangomirire rubatsiro kubva kuHurumende, asi kuti zvitange mabhindauko anozviwanisa mari.


