Switzerland yocheresa zvibhorani

Philipa Chinhoi-Mukome
NYIKA yeSwitzerland — kuburikidza nechirongwa chayo cheSwiss Humanitarian Aid —yakabatsira neUS$2 miriyoni kuti ishandiswe mukuyamura vanhu vakasangana nenjodzi yemafashamu emvuya yakaunzwa nedutumupengo reCyclone Idai muZimbabwe, Mozambique nekuMalawi.

Mari iyi ichabatsira mukuwaniswa kwemvura yakachena kuvanhu vemunyika nhatu idzi kuburikidza nekucheresa zvibhorani nekugadzirisa migwagwa nemazambuko izvo zvakaparadzwa nemafashamu aya.

Mumiriri weSwitzerland muZimbabwe neMalawi, Ambassador Niculin Jaeger, vanoti vakaona zvakakosha kubatsira nyika dzakasangana nenjodzi yemafashamu aya.

“Switzerland yakatotumira vanhu vakadzidzira zvekuvaka kuti vafambise basa iri vachibatsirana nevagari venyika idzodzi. Munhu anoda pekugara pakanaka ndokusaka takaona zvakakodzera kuti titumire zvekuvakisa dzimba nekucheresa zvibhorani,” vanodaro.

VaJaeger vnoenderera mberi vachiti, “Swiss Red Cross nesangano rinonzi Solidar Suisse vari kushanda pamwe chete mukutsvaga nzira dzekuwedzera homwe yemari yerubatsiro iyi nechinangwa chekuti nyika idzi dzigare dzakagadzirira njodzi dzakadai seCyclone Idai.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *