Mapurisa 179 vapedza zvidzidzo

Muchaneta Chimuka MAPURISA 179  eZimbabwe Republic Police (ZRP) Support Unit nemusi weChishanu chino vakatambidzwa zvitupa zvekupedza zvidzidzo zvinofambira nebumbiro remutemo wenyika mukubata kwavo basa nekuchengetedza runyararo. Pamapurisa aya pane munhukadzi…

N’anga ndunge ashaya

Kingstone Mapupu N’ANGA yekuChipinge ine mukurumbira, Sekuru Charles Makuyana Ndunge, vanonzi vakashaya mangwanani eMuvhuro uno vari pamusha pavo kuSouth Downs, kwaMambo Makuyana. Vanga vava nemakore 87 okuzvarwa. Svondo rapera Kwayedza yakaburitsa…

‘Baba vakandikumbira Kuti ndidanane namai’

“BABA vasati vafa, vakasiya vanditi ndigotora amai ndovaita mudzimai wangu – totogara tose. Izvi takawirirana kuitira kuchengetedza pfuma yavo kuti irambe iri mumhuri.”

Ammara orumbidzwa

KAMBANI yeMultiChoice Zimbabwe yorumbidza vaimbi vane mukurumbira munyika muno nekunze — avo vanosanganisira Ammara Brown — nebasa guru ravari kuita rekubatsira vanhu vakawirwa nemafashamu emvura yaive nedutumupengo  kumatunhu anosanganisira Manicaland neMasvingo.

TAMIRIRA CHAN, COSAFA: MHOFU

MURAIRIDZI wechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors – Sunday “Mhofu” Chidzambwa anoti panguva ino ave kumbomira kufunga zvemakwishu eAfrica Cup of Nations (Afcon) asi kurwira kuchengetedza mukombe weCosafa Senior Men’s Challenge Cup uye nekuenda kumutambo we2020 African Nations Championship (CHAN).

TAVA KUVANDUDZA DZIDZO: PRESIDENT

HURUMENDE iri kuvandudza dzidzo yemuZimbabwe nechinangwa chekuti izadzikise zvinodiwa munyaya dzekusimukira kweupfumi hwenyika, President Mnangagwa vanodaro.

Mhuri yakatsvira mumba kuSA

VANHU 4 vemhuri imwe vemuZimbabwe vakafa, vamwe vavo vatatu ndokusara vakuvara zvakaipisisa apo vanonzi vakapisirwa mumba varere kuSouth Africa svondo rino.

Cyclone Idai: Seed Co yobatsira

KAMBANI huru munyaya dzekuuchikwa nekutengeswa kwembeu muZimbabwe, yeSeed Co, svondo rapera yakapa rubatsiro rwematani makumi matanhatu ehupfu sedanho rayo rekubatsira vanhu vekuChimanimani neChipinge avo vakawirwa nedutumupengo iro raive nemvura yemafashamu rinodaidzwa kuti Tropical Cyclone Idai.

‘TABVISA MIMBA VAKADZI VEVANHU 80’

KUNE vasikana vanotengesa muviri vemuHarare vari kubuda pachena kuti ndivo vanoita basa rekubvisa madzimai akaroorwa nevasikana pamuviri pavanange vasingade nerweseri.

Science lab itsva paHighfield 2 High

MUKURU wezvedzidzo mudunhu reHarare, VaChristopher Kateera, vanoti zvakakosha kuvandudza zvidzidzo zveSainzi sezvo zvichibura nyanzvi idzo dzinobatsira mukusimukira kwenyika.