‘Landlord’ ofemeswa neroja

Ashley Muchamiri
VANHU vaiva mudare vakakahadzika apo mumwe mudzimai akati haazi kukwanisa kubika zvekudya pachitofu chake chemagetsi nekuda kwekuti muroja wake akabvisa tambo dzaivepo achiisa dzake uye anomukwidzira izwi pose paanotaura naye.

Jane Chikodze akaendesa muroja wake, Siesta Kamanga, kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare.

“Siesta anondikwidzira izwi pose pandinoedza kutaura naye nekundituka. Takamboedza kugadziriswa kumapurisa asi iye aikwidza izwi izvo zvakazotsamwisa mapurisa,” anodaro.

Chikodze anoti anotenga sadza kuzvitoro zuva nezuva sezvo Kamanga ari kumutadzisa kubikira pachitofu chake nekuti akasungirira tambo dzemagetsi paiva netambo dzake dzechitofu.

“Musikana uyu anonoka kundipa mari yangu yepamwedzi uyezve ndiri kunotenga sadza kuchitoro zuva nezuva nekuti handikwanise kubikira pachitofu changu sezvo iye akasungirira tambo dzechitofu chake,” anodaro.

Kamanga anoti haapokane nechikumbiro chaChikodze asi anokumbira mwedzi miviri yekuti agare pamba pake achitsvaga kumwe kwekuenda.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Chikodze gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *