Fodya yowanda kumisika
KAMBANI yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) inoti kubva pakavamba mwaka wekutengeswa kwefodya masvondo adarika, kwatengeswa 876 804 kgs ayo anokosha $1 500 600 uye varimi vave kuunza chirimwa ichi chakawanda kumisika yakasiyana kana zvichienzaniswa nemazuva ekutanga.
Ongororo yezvirimwa, zvipfuyo yakaitwa
HURUMENDE inoti yakaita ongororo yezvirimwa pamwe nezvipfuyo munyika yose nechinangwa chekuti inge ichiona mamiriro ezvinhu.
Idai: Hurumende yovakisa zvikoro
HURUMENDE inoti yakatora danho rekuti zvikoro zvose zvakasangana nedambudziko remafashamu emvura yedutumupengo reCyclone Idai zvivharwe, zvozokasika kuvhurwa nemasvondo maviri panotanga temu yechipiri nemusi wa7 Chivabvu sezvo mamiriro ezvinhu pari zvino asina kukodzera kuti vana vadzidze zvakanaka.
Tiri kushushikana nekudofora kwevana: Thabela
HURUMENDE iri kushushikana zvikuru nekufoira kuri kuita vana vemune zvimwe zvikoro – kunyanya kuzvikoro zvinodaidzwa kuti “satelite schools”.
Cyclone: Seed Co yakapa hupfu, rori
KAMBANI huru munyaya dzekuuchika nekutengesa mbeu muZimbabwe, yeSeed Co, nemusi weChipiri svondo rino yakapa rubatsiro rwematani 30 ehupfu kuvanhu vakawirwa nenjodzi yemafashamu emvura kudunhu reChikomba.
UNDP yakapa $500 000
SANGANO reUnited Nations Development Programme (UNDP) muZimbabwe rakabatsira vanhu vakawirwa nenjodzi yemafashamu emvura yaive nedutumupengo, Cyclone Idai, kuManicaland nemari inosvika $500 000 zvichitevera kuparadza kwakaitwa dzimba dzavo, zvipfuyo nemidziyo zvose neminda.
Cyclone Idai: Madhokota obatsira
SANGANO remadhokotera reMédecins Sans Frontières (MSF) International rinoti rakatumira chikwata chemachiremba kunobatsira zviuru nezviuru zvevanhu vakawirwa nenjodzi yemafashamu emvura yaive dutumupengo kudunhu reManicaland.
Mapurisa akapedza zvidzidzo
MAPURISA 179 eZimbabwe Republic Police (ZRP) Support Unit nemusi weChishanu wadarika vakatambidzwa zvitupa zvekupedza zvidzidzo zvinofambira nebumbiro remutemo wenyika mukubata kwavo basa nekuchengetedza runyararo.
‘Handidanane nemurume wako ini’
MUKADZI wekuHighfield, muHarare, ari kuchema-chema mudare achiti anzwa nekurohwa nemumwe mudzimai anomupomera kuti ari kudanana nemurume wake uyo waanoshanda naye.
Ngano nemashiripiti
MASHIRIPITI kana jandukwa ndechimwe chiitiko chinonyanya kutora nzvimbo mungano. Nguva zhinji vanasarungano vanoshandisa mashiripiti vaine zvinangwa zvakasiyana-siyana. Zvimwe zvinoita kuti vashandise mashiripiti ndezvinotevera:








