Hondo yehuku yava kumatare

VAVAKIDZANI vari kumisidzana mudare redzimhosva nekuda kwenyaya yehuku dzinonzi dzanetsa nekugara dzichidya mumunda memumwe. Daniel Musina akamhan’arira Tatenda Mhizha kuHarare Civil Court achiti anomutukirira kana huku dzake dzadya mumunda make achiti achadziuraya.

Sekuru vopindira muzukurusikana . . .

MUZUKURUKADZI akamhan’arira sekuru vake kudare achiti vane katsika kekumupindira mumba make apo anenge ari musvo uye haasi kudya rinopisa sezvo vari kugara vachinetsana nekuda kwesitendi yemba.

Basa tapedza: Zifa

MUTUNGAMIRIRI weZimbabwe Football Association, Felton Kamambo, anoti sangano ravo ragadzirira zvose zvinodiwa apo maWarriors atarisana nemutambo mukuru wekurwira tikiti rekuenda kumakwishu eAfrica Cup of Nations paachasangana neCongo Brazzaville kuNational Sports Stadium nemusi weSvondo uye chasara chete ndechekuti chikwata chenyika ichi chihwinhe mumutambo uyu.

Baba vokanda Shoko rerudo Kumwana

MURUME anova mutevedzeri wasabhuku kwaMambo Negomo, kuChiweshe, haasi kana kumbonyara kudura kuti akakundwa nemiyedzo zvekusvika pakukanda shoko rerudo kumwanasikana wake uyo akaroorwa achimuti “wakabatana” uye “unondiminurira”.

Mvurwi high career fair

KWAISADANWA anonzwa paMvurwi High School, kuMvurwi, nemusi weChishanu svondo rapera apo pachikoro ichi paiitwa chirongwa cheCareer Fair 2019 icho chakananga kubatsira vana vechikoro kuti vave nesarudzo yakajeka maringe nemabasa avangada kuzoita mushure mekupedza dzidzo yavo.

Mabhonzo enguruve nemuriwo

USAVI hwemabhonzo enguruve akasanganiswa nemuriwo hunonaka zvikuru.

Mosquito ava muimbi

ZVENYIKA “Mosquito” Alfonso – uyo aimbove shasha yemutambo wetsiva – anoti ave kuita zvemimhanzi uye akatoburitsa kambo kake katsva kemusambo weAfro-Jazz ako anotarisira kuti kachafadza vatsigiri vake.

Kurima bindu zvine pundutso

VARIMI nevarimisi vekuWard 5, kwaMurehwa, pamwe chete neve kudistrict office vanosanganisira Mai Ndege (training officer), varimisi Mai Chimano naMai Masango, murimi VaCaleb Nyamande, Councillor Chimuteka, nemadzisabhuku vakave nezuva rakanaka rizere nekudzidza apo vakashanyira kuSeedCo vegetables trials nemusi weChishanu 15 Kurume 2019.

Varimi vemasamba vakabatsirwa

VARIMI vemasamba kuHonde Valley, kudunhu reManicaland – avo vange vakatarisana nematambudziko ekushaya zvekushandisa – vobatsirikana zvikuru zvichitevera rubatsiro rwefeteraiza rwavari kupihwa nekambani yeSable Chemicals kuburukidza nesangano reFord Foundation uye mari yechikwereti iyi ichabva kubhengi reFBC Bank.

Voronga zvingaite kuti vana vapase

HURUMENDE iri kuita ongororo yekuona kuti ingabatsire sei zvikoro panyaya yevana vasina kubudirira mubvunzo dzeO-Level dzeZimbabwe Schools Examination Council (Zimsec) dzegore rapera.