Cyclone: N’anga yakapona
N’ANGA yekuSouth Downs, kuChipinge, pamuganhu weZimbabwe neMozambique inoti hapana dambudziko rayakasangana nayo zvichitevera mafashamu emvura aive nedutu guru ayo akaitika kudunhu iri nguva pfupi yadarika.
Cyclone IDAI: RUBATSIRO RWOUYA
VEMAKAMBANI pamwe chete nevamwe vanhu vakazvimiririra vari kuramba vachiratidza rudo mukubatsira kwavari kuita zviuru nezviuru zvevanhu vakawirwa nenjodzi yemafashamu emvura akaunzwa nedutumupengo reCyclone Idai muZimbabwe, Mozambique nekuMalawi.
Vorwira chimbuzi
MUDZIMAI wemuHarare akaendesa mwanakomana wemurume wake kudare mushure mekunge vanetsana nenyaya yechimbuzi.
Kuenzaniswa kwemikana nebumbiro remutemo
KUENZANISWA kwemikana takatarisana nesangano reWorld Health Organisation (WHO) kunoreva kusiyana kwakaita varume nevakadzi apo vanopihwa mabasa akasiyana nekuda kwemasikirwo avo uye maonerwo avanoitwa munharaunda.
Vakaponda muridzi wemba
MAPURISA ekuDzivaresekwa, muHarare, vari kuferefeta nyaya yekupondwa kwemumwe mudzimai — uyo akafa nekubaiwa nebanga husiku – mwanakomana wake ndokukuvadzwa zvikuru apo vaiedza kudzivisa makororo aivabira mumba mavo.
Vatambi vengano
MHUKA nevanhu ndizvo zvinonyanya kushandiswa navanasarungano sevatambi vemungano. Mhuka dzinoshandiswawo dzakamirira zvinhu zvinoitwa nevanhu muupenyu. Dzimwe dzemhuka dzinowanzowanikwa mungano dzinosanganisira gudo, shumba, tsuro, bere, kamba, nzou, nedzimwewo.
Zvinowira vatambi
MUMABHUKU ese enganonyorwa munoburitswa matambudziko achiwira vatambi. Nzira dzinoburitswa ndidzo dzinosiyana asi matambudziko anonyanya kuonekwa mumabhuku akafanana nekurohwa, kutukwa, kushaya mbereko, urwere, nzara, hondo nemamwewo.
Zviyo, mupunga nemapfunde
MAKAREKARE vanhu vaigara vakagwinya pasina nhaurwa yekuenda kuzvipatara pese pese nokuti vaidya kudya kwaipa utano uye kwavairima nekugadzira vega vasingasvuuri sezvotoona mazuva ano.
‘Wakanzwa bhata wakabara chirema’
VAVAKIDZANI vari kumisidzana mudare nekuda kwenyaya yekushungurudzirana vasikana vebasa avo vanonzi vari kupedzisira vatiza nekuda kwekuoneswa pfumvu.
‘Usadanane nemurume watete vangu’
MUKADZI anogara kuArcadia, muHarare, akashamisa vanhu vaive mudare apo akati vavakidzani vake, avo vanova mukoma nemunin’ina, vanomurambidza kunosasana mubhawa.




