Majeri haasati azarisa wani

PASI rose, kuratidzira kana vanhu vaine zvavanotsutsumwa nazvo kwagara kuchiitika. Kana muri muZimbabwe, bumbiro remutemo rinojekesa kuti vanhu venyika ino vanotenderwa kuratidzira – ndokunge vachizviita nemazvo uye pasina kukanganisa kodzero…

Gudo pweshe pabhenji. . . richidya sadza nenyama

Michael Magoronga VAGARI vekuChirape, kwaNembudziya, mudunhu reGokwe, havana kana nechekutaura zvichitevera nyaya yegudo rinonzi rakawanikwa rakanyatsodekara rigere pabhenji mumba meimwe mhuri richidya mukonde wesadza nenyama.Gudo iri rakaonekwa nemwanakomana wepamba apa…

‘Musanyare, sungisai vanobata chibharo’

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kushushikana nekuwanda kuri kuita mhosva dzevakadzi nevana vari kubatwa chibharo munyika yose. Zvisinei, mapurisa anoti haasi kuzodzokera shure pakurwisa kuparwa kwemhosva dzerudzi…

Baba pfacha . . .Justin namhamha vakazvivharira… ‘Taingoona mifananidzo yezvinyadzi’

Kingstone Mapupu VAGARI vemumusha wekwaJacha, kuMuguta Extension, kuEpworth, vakaona bhaisikopo remahara nguva pfupi yadarika apo mwanakomana akawanikidzwa arere naamai vake, mudzimai mudiki wababa vake. Nyaya iyi yakazomutsa bongozozo rakaita kuti…

800 vodzidza patsva

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI VANA vanodarika 800 avo vakange vambomira kuenda kuchikoro kudunhu reMashonaland West nekuda kwezvikonzero zvakasiyana vave kudzidza zvakare zvichitevera kuparurwa kwechirongwa cheEducation Community Outreach Programme kubvira gore…

‘Kutengesa minda imhosva’

Kingstone Mapupu VARIMI vari kukurudzirwa kuti vasatengese minda yavo sezvo katsika aka kachidzosera mabasa ekurima kumashure.Kutengesa ivhu yagara iri mhosva huru sezvo riri reHurumende. Yambiro iyi inopihwa naMambo Seke, VaStanley Chimanikire…

FC PLATINUM, ESPERANCE DHUMA-DHUMA! … Munhandare isina vatsigiri

Tinashe Kusema NORMAN Mapeza, murairidzi weFC Platinum anogashira mashoko ekuti chikwata chake chichatatsurana necheEsperance manheru eChishanu chino munhandare ichange isina vatsigiri mumutambo weCAF Champions League. Sangano rinotungamirira nhabvu muAfrica, reConfederation…

GRADE 7 …Hurongwa hwegore ra2019

Ticha Danga TAKACHINGAMIDZANA zvakanaka gore rino richitanga tichiedza kupinzana mumuforo maererano nekupinda mugwaro rechinomwe. Pari zvino tava kuda kuchionesana kuti tinembenge tichimboiteiko mumasvondo makumi mana ane mapfumbamwe asara kupendera gore…

O-LEVEL – KEREKE INOFA… Mabasa emafoni

Munyaradzi Gunduza TSANANGURA kuti kushandiswa kwemafoni kunobatsira sei kusundidzira rongetedzo yenyaya mberi muna Kereke Inofa. [25] Pastor Mwenje vanoshandisa foni kusandura mafambirwo erwendo rwekuUK. Zvinojekeswa mushure mesvondo pavanenge vari muchechi…

Mvura yawedzera mumadhamu

Kudzaishe Chinyandura HUWANDU hwemvura hwawedzera mumadhamu ari kumativi mana enyika nechikamu che0.49 percent nekuda kwemvura iri kunaya uye izvi zvichabatsira zvikuru mukusimudzira kurima pamwe nekuti veruzhinji vawane mvura yekushandisa mumamwe…

×