‘Ndakarohwa mimba ikabva’

Ashley Muchamiri MUDZIMAI wemuHarare akazopotera kudare redzimhosva achida gwaro redziviriro kubva kumurume wake uyo waanoti anogara achimuzvindikita kumurova izvo zvakaita kuti azobve pamuviri nguva yadarika.

‘Kungotora mwana, anodzoka orwara’

Tatenda Shuro VANHU vaive mudare vakakahadzika apo mumwe mudzimai wekuWarren Park 2, muHarare, akati aimbove murume wake pose paanotora mwana wavo kuti ambomuona, mwana uyu anodzoka ave kurwara nemanyoka.

Zcc yovakisa zvimwe zvikoro

Thupeyo Muleya ari kuBEITBRIDGE CHECHI yeZion Christian Church (ZCC) inoti gore rino ichavakisa zvikoro munyika muno pamwe nekune dzimwe nyika dziri mudunhu reSadc nedonzvo rekusimudzira dzidzo.

Vashandi veHurumende wowana mari Chishanu

Freeman Razemba VASHANDI veHurumende vachawana mari yavo yechikamu che22,7 yema”allowance” iyo yavakapihwa naPresident Mnangagwa nemusi weChishanu chino, gurukota revashandi veHurumende nekubatsirwa kwevanoshaya, Dr Sekai Nzenza vanodaro.

President, ruzhinji vochema Tuku

Tandayi Motsi MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa vanoti vanosuwiswa zvikuru nerufu rwemuimbi anga aine nemukurumbira pasi rose, Dr Oliver “Tuku” Mtukudzi, avo vakashaya kuAvenues Clinic, muHarare nemusi weChitatu chino nekuda kwechirwere…

Designetics yosimudzira kushandiswa kweruzivo rwechizvino-zvino  

KAMBANI yeDesignetics iri kuvandudza nekurerutsa nzira dzekudzidza dzinoshandisa chizvino-zvino.

‘Ndakabikwa nemukadzi’ … Akaroverwa huku yeKisimusi

Kingstone Mapupu MURUME wekuNorton haasi kana kumbonyara kudura kuti akarohwa nemudzimai wake senyoka yapinda mumba ndokukuvara mumusoro apo aipomerwa kutadza kutenga huku yekuti vadye pazororo reKirisimasi. Onias Machira (34) –…

MaKirisitu akadzingirirwa nenyoka

Ray Bande ari kwaMUTARE VANAMATI vechechi yeSeventh Day Adventist avo svondo rapera vaifamba imba neimba vachiparidza shoko, vakatiza neupenyu hwavo apo mumwe murume wekunzvimbo yeNyamajura, kwaMutare, akaburitsa nyoka yemhando yeshato…

Zvikwereti kuvadzidzi vekuyunivhesiti

HURUMENDE ine hurongwa hwekuvamba homwe yechikwereti yekubatsira vadzidzi vekumakoreji nemayunivhesiti avo vari kusangana nezvimhingamipinyi zvekushaya zvibatiso zvekuti vange vachikwanisa kukwereteswa mari nemabhengi. Nguva yadarika vadzidzi ava vakati vari kukundikana kuwana…

Nyoka ine musoro unenge wemunhu -‘Inondinanzva muviri wose’ -‘Ndizvo zvandiitisa hupofu’

Kingstone Mapupu MURUME wekwaMurehwa anoti ava bofu zvichibva pakuti anorota achinanzvwa nekusvipirwa mate nemazinyoka mumaziso nemuviri wose — dzimwe dzacho dzine misoro inenge yevanhu. Godfrey Masakadza (35), wemubhuku raZihundi, kwaMangwende, akakura…

×