Teverai Mai Mnangagwa

SVONDO rino, mudzimai wemutungamiri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, vakapa mucherechedzo wakanaka zvikuru apo vakashanyira misha yeBudiriro neGlen View iri muguta reHarare ndokukurudzira veruzhinji kuti vakoshese hutsanana mukurwisa kupararira kwezvirwere zvemanyoka secholera. (Onai Peji 10)

First Lady Amai Mnangagwa vakawanawo mukana wekuita mabasa epamba sekutsvaira zvivanze, kukorobha dzimba, kugeza ndiro nekuwacha magumbeze nehembe dzemhuri dzakasiyana uye kunhonga marara anongoraswa pose-pose. Uku kuzvininipisa kukuru kana tichitarisa chigaro chavo. Misha yeBudiriro neGlen View ndiyo yakatanga kunyuka chirwere cholera nguva yadarika icho chakauraya vanhu vanosvika 50, nekudaro First Lady Amai Mnangagwa vakaona zvakakodzera kuti vatsigire zvirongwa zvekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Vachitaura vari kuBudiriro, First Lady Amai Mnangagwa vanokurudzira veruzhinji kuti vakoseshe nyaya dzeutsanana kuitira kudzivirira zvirwere zvemanyoka. “Kurudziro yandiri kupa kuruzhinji rweZimbabwe, kunyanya vanaamai vanochengetedza misha, ndeyekuti tikoshese hutsanana. Chikafu ngachibikwe choibva uye chodyiwa chichipisa.  “Ngatisukei mandiro edu achichena nekuti nhunzi kazhinji dzinotevera pasina kuchena uye ndidzo dzinotakura tsvina dzichinosiya pamwe zvinova zvinokonzera kupararira kwecholera. Misha yedu ngaishambidzike,” vanodaro. Iyi ikurudziro yakakosha zvikuru mukurwisa kupararira kwecholera nekuti chirwere ichi chinokonzerwa nehuchapa pamwe nekudya chikafu kana kunwa mvura ine tsvina. Kune dzimwe nyika dzakabudirira, vanotoshamisika kunzwa kuti kuZimbabwe vanhu vachiri kufa necholera nekuti chirwere chisingatarisirwe kunge chichatambudza vanhu mukore uno.

Kuzvipira kwaFirst Lady Amai Mnangagwa kupinda muzvirongwa zvekurwisa kupararira kwechirwere ichi kunofanira kutokonya mwoyo yeveruzhinji kuti vakoshese nyaya dzekugara nharaunda dzavo dzakashambidzika.NeMuvhuro svondo rino zvakare, Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukupemberera zuva rekukosha kwekugeza mawoko, reGlobal Hand Washing Day nedonzvo rekudzivirira zvirwere zvakaita semanyoka echolera.

Zuva iri rinocherechedzwa nomusi wa15 Gumiguru nedonzvo rekusimbaradza kugezwa kwemawoko vanhu vachishandisa sipo senzira yekurwisa zvirwere zvinokonzerwa nehuchapa.

Dingindira regore rino rakanangana nekugeza mawoko, kushambidzika kwechikafu nekuti chinge chiine utano.

Zvakakosha kuti veruzhinji vazive kuti kudzivirira zvirwere zvakaita secholera kuri nyore zvikuru kuburikidza nekuita hutsanana.

Zvinorwadza kuti vanhu vanosvika 50 vanofa nekuda kwecholera iyo inokwanisa kudzivirirwa. Nguva pfupi iri kutevera, mwaka weZhizha unenge wave kutanga apo mvura ichange yoturuka uye mumwaka uyu zvakare ndimo munonyanya kunyuka zvirwere zvemanyoka.

Nekudaro veruzhinji vanofanira kutora matanho ekuchengetedza utano hwavo. Matanho aya anosanganisira kusanwa mvura ine tsvina, kusatenga michero nezvimwe zvinotengeswa zvisiri pamutemo mungave mumigwagwa yemumadhorobha kana mumaguta.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×