‘dembare hainyure’
Abel Ndooka MUTAMBI weDynamos FC, Kudzanayi Dhemere, anotsidza kuti iye pamwe nevamwe vatambi vechikwata ichi vachasunga dzisimbe kuti DeMbare “isanyure” mwaka uno.
Chi-town: 18 years musuweji
Kingstone Mapupu VAGARI vemumusha weManyame Park Phase 2, kuChitungwiza, vari kurarama vakaita zvekuny’ura muhuchapa uye vave kutyira utano hwavo sezvo vari panjodzi yekutapurirwa zvirwere zvemanyoka secholera zvichitevera masuweji avanoti ave…
Sikandar odzoka kuzc
Abel Ndooka MUTAMBI wecricket, Sikandar Raza, akasarudzwa kuti agove muchikwata cheZimbabwe Cricket icho chichaenda kunokwikwidza neBangladesh mumitambo mitatu yeone day international uye nemiviri yetest match.
Vopakura ruzivo rwemakombiyuta
Daphne Machiri SANGANO rakazvimirira reKinderCare Zimbabwe rakaparura chirongwa chekusimudzira ruzivo rwekushandisa kwemakombiyuta pamwe nedandemutande kubvira pagwaro reEarly Childhood Development (ECD) kusvika Grade 7 nedonzvo rekurodza pfungwa dzevana.
Tsigirai zrp: Cde Mathema
Kingstone Mapupu GURUKOTA rezvinoitika mukati menyika nekuchengetedzwa kwetsika, Cde Cain Mathema, vanoti zvakakosha kuti mapurisa eZimbabwe Republic Police awaniswe zvekushandisa zvakakwana zvinosanganisira michina yechizvino-zvino kuitira kuti vakwanise kurwisa kuparwa kwemhosva.
Cholera nehiv
VANHU vanosvika 1,6 miriyoni muZimbabwe vari kurarama neutachiona hweHIV. Nyika ino parizvino iri kushungurudzwa nechirwere checholera uye vanorarama neHIV pamwe nevabatsiri vavo vanofanira kuzvidzivirira kubva kucholera sezvo inogona kukanganisa utano…
Votsigira mukurwisa cholera
Muchaneta Chimuka HURUMENDE iri kutenda rubatsiro rwairi kuwana kubva kuvatsigiri vemuno nevekunze mukurwisa chirwere chemanyoka checholera.
‘Nyoka haisi yangu’
Kingstone Mapupu MURUME wemubhuku raMarufu, kwaMambo Mashayamombe, kuMhondoro — nyakunzi akambobvuma pajekerere pamberi panatsikamutanda kuti akasiirwa nyoka nevabereki vake vakashaika achiti ndiyo inomuchengeta — ava kudududza achiti nyoka iyi haisi…
MAONERO EDU: Makanzuru tinyareiwo!
SVONDO rino tine imwe nyaya inonzwisa hasha zvikuru, yemvura yetsvina yemasuweji iyo iri kuyerera nemudzimba mumusha weManyame Park, kuChitungwiza. Izvi zviri kuitika panguva ino apo Zimbabwe iri mushishi yekurwisana nechirwere…
‘Amai munokara mari’
Lizzy Mushoriwa AMAI vakakwekweredza mwanakomana wavo kuenda naye kudare redzimhosva vachiti anovatukirira zvisinei nekuti mwana uyu anotiwo ivo vari kusarudza vana sezvo vachinzi vanonyanya kuda avo vane mari nenyaya yekuda…










