Vopakura ruzivo rwemakombiyuta

Daphne Machiri
SANGANO rakazvimirira reKinderCare Zimbabwe rakaparura chirongwa chekusimudzira ruzivo rwekushandisa kwemakombiyuta pamwe nedandemutande kubvira pagwaro reEarly Childhood Development (ECD) kusvika Grade 7 nedonzvo rekurodza pfungwa dzevana.

Muhurukuro nemutungamiri wesangano iri, Dr Faith Katsonga Nyamukapa, vanoti vakavamba chirongwa chinozivikanwa nekuti Smart-Kidz Club mushure mekuona zvakakosha kuti vana vafambirane nenguva kubvira vachiri kuECD.

“Gwaro reECD rakakosha nekuti ndiko kunotangira kurodzwa njere dzevana kusvika vaende kumayunivhesiti. Takaona zvakakosha kuti tishande nemakireshi pamwe nezvikoro zvepuraimari kuti vana vave neruzivo pamusoro pezvemakombiyuta nedandemutande,” vanodaro.

Vanoti Zimbabwe inyika yechishanu muAfrica kuparura chirongwa cheSmart Kidz Club uye dzimwe nyika dzachiri ndedzinoti South Africa, Botswana, Kenya neMalawi.

“Smart Kidz Club inobatsira vana nezvidzidzo zvakasiyana-siyana sekuverenga, kuvaka mazwi, kuziva mhuka nemazita adzo, zvidzidzo zvemasvomhu nezvemamiriro ekunze vana vachiziva kuti mvura inonaya kana zvaita sei nezvimwe zvakaita semitambo,” Dr Katsonga Nyamukapa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Chirongwa ichi tichaenda nacho kumapurovhinzi akasiyana tichifambirana zvakare nezvinangwa zvepasi rose zveSustainable Development Goal nhamba 4 iyo inoti mwana wose ane kodzero yekuwana dzidzo yepamusoro.

‘‘Tichange tichishanda nezvikoro zvinosanganisira zvekumaruwa nekuti mwana wose anofanirwa kufambirana neruzivo rwechimanje-manje.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *