‘Handina kubhinya mwan’: ‘zvikwambo zvinobata chibharo’

Sukulwenkosi Dube-Matutu ari kuGWANDA MURUME wekuKezi ane makore 52 okuberekwa —uyo ari kupomerwa kubata chibharo mwanasikana wake ane makore 11 kaviri — ari kuramba mhosva iyi achiti mwana uyu akabhinywa…

Gokwe yovakisa chikoro

Midlands Correspondent KANZURU yeGokwe Town Council inoti yave pedyo nekupedza kuvakisa chikoro chitsva kuWard 2 munzvimbo yeNyabadza kumaruwa icho chinogona kuvhurwa pakutanga kwetemu inotevera.

Akafira ‘snooker’

Kingstone Mapupu MUNHU mumwe chete akafa svondo rapera pabongozozo rekurwira mutambo we”snooker” kana kuti “pool” mubhawa reApple Yard Night Club riri mumusha weNgoni, kuNorton.

Akapondera tete dhishi

Walter Mswazie ari kuMASVINGO MURUME wechidiki wekwaChivi anonzi akaponda tete vake achiita vekurakasha mumusoro nehuyo mushure mekunge vakakavadzana naye nekuda kwedhishi repurasitiki.

Uyu akafa anwa muteuro

Michael Magoronga ari kuKWEKWE MUPOROFITA wekuKwekwe akasungwa nemapurisa mushure mukunge anwisa mumwe mukadzi muteuro waive wakasanganiswa muto wemaremani, vhiniga, mafuta ekubikisa nemunyu zvikaita kuti afe.

Idya mupunga neminzi

Muchaneta Chimuka MINZI kudya kwemazera ose sezvo kuri nyore kutsenga uye dzine mapuroteni ayo akakosha pautano hwemuviri.

Kodzero yevakaremara yekuita mhuri

Isabel Palasida NYAYA dzemhirizhonga dziri kuramba dzichitekeshera kuvanhukadzi uye dzinosanganisira kubatwa chibharo, kutukirirwa nezvinyadzi kana kubatwa muviri nenzira dzisina kukodzera nekupondwa.

Magariro aVaShona

Munyaradzi Gunduza UCHISHANDISA nhetembo shanu kubva munhetembo dzokurova bembera nedzejikinyira kana mavingu, tsanangura zvaishungurudza VaShona mumagariro avo. [25]

Zvimwe zvaunofanirwa kuziva

Ticha Danga KANA tiine murwere pamba, tinomupepa vavariro iri yekuti anaye abude muhutenda. Chatinogona kupepa nacho munhu kutevedzera zvinenge zvataurwa nachiremba nemazvo.

Vorwira mvura yemutsime

Gamuchirai  Muzanenhamu VAVAKIDZANI vakamisidzana mudare mushure mekupopotedzana pamusoro pekuchera mvura mumugodhi.

×