Ndinochaiwa namadhamu’

Lizzy Mushoriwa MURUME samusha wekugara achirikitwa kurohwa nemudzimai wake anoti akazotiza pamba otya kupondwa.

Tsigirai Division 1: Mushonga

Abel Ndooka MUNYORI mukuru weZifa Northern Region Division One, Sweeney Mushonga, anoti makambani akawanda anofanirwa kutsigira nhabvu yeDivision One neTwo sezvo kuriko kunobikwa vatambi.

Zvichaburwa nedzidzo itsva

naChiremba CHINANGWA chedzidzo itsva kuona kuti mudzidzi awana dzidzo yakakwana mumusoro make asi dzidzo iyi inokoshesawo kuti mwana akwanise kubatanidza nekushandisa zveanenge adzidza nezvinoitika chaizvo-izvo muupenyu.

Zimbabwe: Chava kudiwa kushanda

NEMUSI weSvondo wadarika, zviuru nezviuru zvevanhu zvakaungana kunhandare yeNational Sports Stadium, muHarare, uko kwaigadzwa mutungamiriri wenyika, President Mnangagwa, zvichitevera kukunda kwavakaita musarudzo dzakaitwa mwedzi wadarika.

Mvura inogona kushomeka

Elina Chikwati ZIMBABWE inotarisirwa kuwana mvura yakaringana asi ichigona kuzoshomeka pane inotarisirwa mumwaka wose wekurima wa2018/19, Hurumende inoyambira.

Tsigirai Emery: Mkhitaryan

HENRIKH Mkhitaryan anoti anofunga kuti sitayera yekutamba nhabvu yaUnai Emery ichabhadhara zvikuru kuArsenal uye anokurudzira vatsigiri vechikwata ichi kuti vatsigire murairidzi wavo mutsva uyu.

‘Zvibhorani zvishoma kuGuruve’

Kingstone Mapupu KUSHOMEKA kwezvibhorani kuChipuriro, kuGuruve, kudunhu reMashonaland Central, kwasvika padanho rakaipa izvo zvave kuita kuti vamwe vagari veko vashandise mvura yemunzizi mumabasa epamisha zvinova zvave kutyirwa kuti kungangonyuka zvirwere…

Chitunha chisina musoro, maoko nemakumbo

Kingstone Mapupu IMWE mhuri yemumusha weKuwadzana 2, muHarare, iri kushushikana zvikuru nekuda kwemutumbi wemwana wavo — uyo wavakaviga kumakuva eGranville Cemetery (kuMbudzi) — ndokuzowanikwa wakafukunurwa muguva uye usina musoro, mawoko…

McGregor, Nurmagomedoc votatsurana

SHASHA yekuongorora mutambo weMMA, Robin Black, anoti anofunga kuti Conor McGregor achasendeka kukwikwidza mumutambo uyu, asi hunge akakundwa naKhabib Nurmagomedoc kumutambo weUFC 229.

Mutumbi wakadimburwa nemuchiuno tsve pa’door’

Kingstone Mapupu VAGARI vekwaChinamano Extension, kuEpworth, nemusi weSvondo wadarika vakaona mashura pamba pemumwe mukadzi – apo pakafuma pakakandwa chitunha chemwana pamusiwo wemba icho chainge chakachekwa nemuchiuno, chisina nhengo dzose dzekuzasi,…

×