Votsvaga rubatsiro rwevana
Kingstone Mapupu MURUME wemubhuku raBandera, kwaMudzimu, kuHurungwe, anoti aomerwa nekuriritira vana vake vana avo vanorarama nehusope sezvo ari kukundikana kuwana zvavanoda, izvo zvakonzera kuti vatadze kuenda kuchikoro, kuwana mishonga nekudya…
‘Rwendo rwuno takanovhota’
Leroy Dzenga VAGARI vekuArcadia, muHarare – avo makore adarika vaimbobuda kunovhota musarudzo dzenyika vari vashoma – gore rino vakauruka muuzhinji hwavo vachinosarudza mutungamiriri wenyika, nhengo dzedare reParamende nemakanzura.
‘Kuchengeta tsuro kune pundutso’
Kingstone Mapupu MHURI inogara mumusha weMayambara, kwaSeke iri kuwana raramo zvikuru kuburikidza nebhindauko rekupfuya tsuro vachitengesera vanhu vakasiyana. VaLovejoy Mukosa (40) nemudzimai wavo Emma Mukosa (38) vanoti vanokurudzira vamwe varimi…
‘Zvidhoma zvandinzwisa’
Kingstone Mapupu MUDZIMAI anogara mumusha weHopley, muguta reHarare, ari kuchema-chema achiti ari kuitwa mukadzi nezvaanofungidzira kuti zvidhoma kana kuti zvikwambo. Mai Farirai Munyuki (41) – avo kumusha vanobva kwaMupandawana, kwaGutu…
Kasikana (8) shasha yemotor-cross
Abel Ndooka KASIKANA kemakore masere okuberekwa koita zvinorova mumutambo wemotor-cross izvo zviri kukaona kachitatsurana nevakomana vakuru kwakari mumujaho yakasiyana. Kare mujaho wemotor-cross waizivikanwa uri wevarume asi kuzouya kwakaita Tanya Muzinda,…
VekuChitungwiza vanogutsikana
Yeukai Karengezeka VAGARI vemuChitungwiza – avo vachangobva kuvhota musarudzo dzekutsvaga mutungamiriri wenyika, nhengo dzedare reParamende nemakanzura – vanoti vanogutsikana nemafambiro uye zvakabuda musarudzo idzi.
Akafa anwa muchetura
Kingstone Mapupu MURUME wekwaMangwende, kwaMurehwa, anonzi akazviuraya nekunwa muchetura nekuda kwezvikonzero zvisati zvazivikanwa. Tawanda Munemo (37), wemubhuku raGonzo, kwaMusami, akasiya mudzimai Magarate Nyamuronda nevana 4 uye anga achigara kudzimba dzemudurikidzwa…
GURU NEMATUMBU
MAGURU akamonwa nematumbu usavi hunonaka zvikuru uye hune mapuroteni ayo anovaka muviri. Svondo rino Tanaka Moyo wekuNgundu, kuMasvingo, anotsanangudza mamwe mabikirwo ehusavi uhu. Zvinodiwa: Hadyana kana poto, maguru, matumbu, matomatisi,…
Oriritira mhuri nemaricho, doro
Kingstone Mapupu SHIRIKADZI yekwaNyashanu, kuBuhera South, iri kuti kufirwa nemurume handi kuguma kweupenyu sezvo iri kuraramisa mhuri nekuita maricho nekubika ichitengesa doro rechivanhu rinodaidzwa nekuti “Seven days”.
‘Kupa vana vechikoro zvekudya kunobatsira’
Daphne Machiri CHIRONGWA cheHurumende chekupa vana chikafu muzvikoro zvepuraimari chiri kurumbidzwa uye kune kurudziro yekuti chiitwewo kusvika kusekondari sezvo chiri kubatsira zvikuru mukusimudzira dzidzo munyika. Kurudziro iyi yakaitwa naVaGardiner Chikoore,…











