VekuChitungwiza vanogutsikana

Yeukai Karengezeka

VAGARI vemuChitungwiza – avo vachangobva kuvhota musarudzo dzekutsvaga mutungamiriri wenyika, nhengo dzedare reParamende nemakanzura – vanoti vanogutsikana nemafambiro uye zvakabuda musarudzo idzi.

Kwayedza nemusi weChitatu chino yakaita hurukuro nevamwe vanhu vemazera akasiyana vakavhota musarudzo idzi avo vari kurumbidza kuitwa kwadzo murunyararo.

Vanhu vaive vakamirira kuvhota paNyajena Secondary School kuMasvingo

“Tinofara zvikuru nekuvhota kwatakaita nekuti zvinhu zvose zvakaitwa murunyararo. Hatina kana kumbonzwa nezvenyaya dzemhirizhonga saka tinotambira zvose zvakabuda musarudzo nekuti zvaiitwa pajekerere,” anodaro Danai Mugadza (40).

Tendai Nhembo (25) – uyo anoti aka ndekekutanga achivhota – anoti vose vakavhoterwa vakakunda musarudzo idzi vanofanira kuzadzikisa zvavakavimbisa kune veruzhinji apo vaitsvaga kutsigirwa.

“Ndinovimba kuti tiri kufamba mugwara idzva rakanaka chose, rinova rakapa vechidiki mukana wekunyoresa kuti vange vachivhota. Senge ini, ndekekutanga kangu kuvhota uye ndinofara zvikuru kuti hapana mhirizhonga yakaitika.

“Iko zvino sarudzo dzapera tava kutarisira kuti vaye vatakavhotera vange vachizadzikisa zvavakavimbisa kune veruzhinji,” anodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *