‘Rwendo rwuno takanovhota’

Leroy Dzenga

VAGARI vekuArcadia, muHarare – avo makore adarika vaimbobuda kunovhota musarudzo dzenyika vari vashoma – gore rino vakauruka muuzhinji hwavo vachinosarudza mutungamiriri wenyika, nhengo dzedare reParamende nemakanzura.

Kwayedza neMuvhuro uno apo pakaitwa sarudzo yakatenderera munzvimbo dzakasiyana dzemuArcadia ndokuona vagari veko vachienda kunovhota nehuzhinji hwavo.

Vanhu vaivhota paGonye Primary kuGutu

“Tava nenguva takamira mumutsara uno. Hazvisati zvamboitika muno muArcadia. Hatina kuzvijaira zvekuswera takamirira kuvhota isu,” anodaro Natie Rooyen.

VaZane Abrahams vanotiwo vakaona zvakakosha kuti vange vachishandisa kodzero yavo yekuvhota.

“Ndange ndakamirira kuitwa kwesarudzo idzi nekuti pakutanga zvaiita sekunge Hurumende yatikanganwa asi mumwedzi yapfuura takaona vakuru veHurumende vachiuya kuzonzwa zvichemo zvedu. Izvi zvaita kuti tinzwe kuda kuve muhurongwa hwesarudzo,” vanodaro VaAbrahams.

Vamwe vevanhu vaivhota musarudzo dzenyika dzakaitwa nemusi weMuvhuro kuArcadia, muHarare

VaPhillip Maresa vekukomisheni inoona nezvekufambiswa kwesarudzo munyika, yeZimbabwe Electoral Commission (ZEC), vanoti vave nemakore akawanda vachishandira mudunhu iri munzvimbo dzinosanganisira Nettleton Primary uye gore rino vanhu vakawanda vakanovhota kana zvichienzaniswa nemakore adarika.

“Vanhu vabuda vakawanda, ino haisi nguva yangu yekutanga kushandira pano panguva yesarudzo. Gore rino vakawanda vauya kuzovhota,” vanodaro.

Vanhu vaive vakamirira kuvhota kwaMupandira kwaMusana, kuBindura

Zvichakadai, kuBelvedere, muHarare zvakare, uko kwakawanda vanhu verudzi rwechiIndia, vakabudawo vakawanda vachienda kunovhota kunzvimbo dzinosanganisira Louis Mountbatten Primary School.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *