Chipoko chodya sadza… chichiimba nziyo dzechechi

Kingstone Mapupu MHURI yemubhuku raMunyoro pedyo ne30 Miles, kwaZimunya, kwaMutare, inoti yashaiswa rugare nechipoko chababa vepo icho chavanoti chiri kuvainga uri moto kana kuti ari munhu apo chinenge chichiimba nziyo…

Pamwe igomarara: Dr Moyo

Munyori weKwayedza MUKURU wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vari kukurudzira murume wekuChitungwiza — uyo asisina sikarudzi yake iyo yaanoti yapera nekunanzvwa nenyoka nezvidhoma – kuti arambe achitsvaga rubatsiro…

Kutapurira hiv uchiziva

Rutendo Shamaine Magadzire NYAYA ino yakanangana nekutsanangura mutemo uripo pari zvino maringe nekutapurira utachiona hweHIV uchiziva. Ongororo yakaitwa nesangano reUNAIDS muna2017 inoratidza kuti vanhu 1,3 miriyoni vari kurarama neutachiona hweHIV/AIDS…

Zim inoda runyararo

ZIMBABWE ichaita sarudzo musi wa30 Chikunguru. Sarudzo idzi dzinosanganisira dzemutungamiriri wenyika, vamiririri mudare reParamende nemakanzura. Mapato anodarika 120 anotarisirwa kukwikwidza musarudzo idzi – ndokunge kana mamwe acho asiri ana gudzamudungwe uye akwanisa…

Varimi vakaungana kuPrime Seed Co

Elizabeth Benjamin KWAKANGA kusingadanwi anonzwa nomusi wa16 Chivabvu 2018 apo Prime Seed Co yakaita Field Day hombe kuTrial Site yavo iri kuStapleford pedyo neguta guru reHarare. Varimi vemiriwo pamwe chete neavo…

$8,5m yechirongwa chekurera mhuri

Muchaneta Chimuka SANGANO rePopulation Services Zimbabwe (PSZ) svondo rapera rakaparura chirongwa chekurera mhuri uye kusimudzirwa kweutano hwesikarudzi, icho chiri kutsigirwa nenyika yeSweden nemari inosvika $8,5 miriyoni. Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi kumahofisi…

‘Old Mutual Quiz’ hutu kuBulawayo

Daphne Machiri CHIKORO cheJohn Tallach High chekuBulawayo ndicho chakatora mukombe wemakwikwi eOld Mutual National High School Quiz, ayo akapindwa nezvikoro 24 kubva kumatunhu ose eZimbabwe. Zengeza 1 High yekuChitungwiza yakaita nhamba…

ZRP yoparura gwaro reHIV and AIDS Policy

Freeman Dube KUFAMBISWA kwechirongwa chekurwisa kupararira kweHIV neAIDS mumabasa kwosimudzirwa zvikuru zvichitevera kuparurwa zviri pamutemo kwegwaro reZRP HIV and AIDS Policy nguva pfupi yadarika pakamba yemapurisa yeMutare Main Camp, kwaMutare.…

‘Ndakatiza murume wangu ava kurwara’

Gamuchirai Muzanenhamu MUDZIMAI wekuti aigara achioneswa ndondo neaimbova murume wake anoti akazofara zvikuru murume uyu paakazorwara apo akawana mukana wekumutiza. Nomatter Machingura akaendesa Richard Mandondo kudare reHarare Civil Court achida gwaro…

Mambo voregerera ‘sisi’ vekuvarovera ‘mini-skirt’

Leonard Ncube ari kuVICTORIA FALL MAMBO Siabuwa (52) vekuBinga, vanoti vakaregerera musikana ane makore 17 okuberekwa, uyo akavarova nebhodhoro rikapwinyikira kumeso kwavo mushure mekunge vamutsiura apo ainge akapfeka kamini-skirt. Mambo Siabuwa…

×