Pamwe igomarara: Dr Moyo

Munyori weKwayedza
MUKURU wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vari kukurudzira murume wekuChitungwiza — uyo asisina sikarudzi yake iyo yaanoti yapera nekunanzvwa nenyoka nezvidhoma – kuti arambe achitsvaga rubatsiro kuchipatara sezvo achigona kuzobatsirwa.

Vanoti dambudziko rake rinokwanisa kupera ndokunge akasawora moyo, oramba achitsvaga rubatsiro kumachiremba.
“Hazvina mhosva kuti akamboenda kuzvipatara zvakasiyana akaonekwa namachiremba, ngaarambe achidzokera kusvikira chirwere chake chichaonekwa bedzi. Dzimwe nguva igomarara raiva richakahwanda panguva yaaida kubatsirwa,” vanodaro.
Asi Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze, muHarare, vanoti kune mhando dzezvipotswa zvinokonzera matambudziko akadai zvekuti chirwere hachimbofa chakaonekwa nemachiremba echiRungu.

“Murume uyu ngaamboedza kwese, kuchivanhu nekuchipatara, anobatsirwa,” vanodaro Sekuru Mutanga

Related Posts

Mai Nyamande vodzidzisa vechidiki . . . vakaimba kambo ‘Waita Mari’ naTocky Vibes

Abel Ndooka MUIMBI wechitendero Sidiya Sande, uyo anonyanya kuzivikanwa saMai Nyamande, akabura dambarefu rake rokutanga rinonzi “Waita Mari”, iro rinodzidzisa vanhu kuti vazvininipise. Dambarefu iri rine nziyo dzinosanganisira “Waita Mari”,…

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×