‘Old Mutual Quiz’ hutu kuBulawayo

Daphne Machiri
CHIKORO cheJohn Tallach High chekuBulawayo ndicho chakatora mukombe wemakwikwi eOld Mutual National High School Quiz, ayo akapindwa nezvikoro 24 kubva kumatunhu ose eZimbabwe. Zengeza 1 High yekuChitungwiza yakaita nhamba yechipiri apo mubairo wechitatu wakaenda kuSt Antony’s High School yekuZaka.

Zvikoro zvitatu zvakahwinha mibairo yepamusoro izvi zvakapiwa motokari uyewo vana vakapinda mumakwikwi aya vakawaniswa mibairo inosanganisira malaptops.

Vachitaura pamakwikwi aya – ayo akaitirwa muHarare svondo rapera – gurukota redzidzo yepuramairi nesekondari, Professor Paul Mavima, vanotenda kambani yeOld Mutual nekutsigira kwairi kuita makwikwi aya sezvo achibatsira mukurodza ruzivo rwevana.

“Tinoda kutenda Old Mutual nekuunza chirongwa chekwizi muzvikoro zvinova zvinobatsira kuvandudza nekuvhura pfungwa dzevana vechikoro apo vanenge vachiita makwikwi aya uye vanenge vachipanana ruzivo muzvidzidzo zvakasiyana-siyana,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoenderera mberi vachiti, “Makorokoto John Tallach nekukunda mumakwikwi, zvinoratidza kuti vadzidzisi vari kushanda nesimba mukupa vana ruzivo. Zvakare, mashoko angu kuvana vechikoro ndinoti shamwari yakanaka ibhuku, dzidzo inhaka isingaparare.” Vachitaurawo pachiitiko ichi, chamangwiza wekambani yeOld Mutual Zimbabwe, VaJonas Mushosho, vanoti chirongwa chemakwikwi ekwizi ichi chakaparurwa mugore ra1985 nedonzvo rekurodza pfungwa dzevana vechikoro.

“Donzvo redu nderekurodza pfungwa dzevana vechikoro pamwe nekuvandudza dzidzo munyika. Vana vechikoro vanofanirwa kuve neruzivo maererano nezvidzidzo zvavanoda kuzoita kudanho rekuyunivhesiti pamwe nekuti vave nehungwaru mukusarudza mabasa avanoda.

“Tiri kufambirana nechirongwa chebazi redzidzo yepuraimari nesekondari chekuvandudza dzidzo, cheNew Curriculum,” vanodaro VaMushosho.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×