Delta yakabatsira vana vepaChiedza

Muchaneta Chimuka KAMBANI inogadzira zvinwiwa, yeDelta Corporation Limited, svondo rapera yakapa rubatsiro rwemidziyo yekushandisa mune zvemitambo inokosha $5 000 kuChiedza Child Care Centre iri kuArdbennie, muHarare.

Opura mari negarlic

Kingstone Mapupu MURIMI akagariswa patsva kunzvimbo yeCashel Valley kwaMutambara, kuChimanimani opunduka nekurima garlic achitengesa.

‘Hatidi varume vakadai, sungai munhu’

Muchaneta Chimuka MASANGANO anorwira kodzero dzevana, madzimambo nemamwe mapoka akasiyana vari kukurudzira kurangwa kwakasimba kwevarume vanombunyikidza vanasikana vasati vabva zera panyaya dzepabonde.

Zvikoro 17 zvitsva zvotanga kuvakwa

Walter Mswazie HURUMENDE yakatanga kuvaka zvikoro 17 zvepuraimari pasi pechirongwa chiri kutsigirwa nehomwe yeOPEC Fund for International Development (OFID) izvo zvinoenderana nekuvandudzwa kuri kuitwa dzidzo munyika kuburikidza neNew Curriculum.

Kubatsira kune pundutso muchirongwa chemipa

Nhoroondo SANGANO reNational AIDS Council (NAC) kubvira makore adarika ragara richishoropodza nyaya dzerusarura kune vanorarama neHIV nechikonzero chekuti izvi zvinokanganisa zvikuru kurwiswa kwekupararira kwedenda iri.

Varimi voshanyira Prime Seed Co

Elizabeth Benjamin PRIME Seed Co ikambani inotengesa mbeu dzemiriwo (vegetables) dzakasiyana-siyana pamwe chete nedzemafuro ezvipfuyo. Ikambani inozivikanwa nekutengesa mbeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro – dziya dzinodaidzwa kuti ma “hybrids”.

Quton yakaparura mbeu itsva

Malven Mugadzikwa KAMBANI ine mukurumbira wokuuchika nekutengesa mbeu yedonje munyika muno yeQuton svondo rapera pamberi yakabatana neyekuIndia yeMahyco mukuparura mbeu itsva iyo inotarisirwa kupa varimi goho guru.

Imbobheka madhonanzi

ZVIRI MUGAPU MADHONANZI kudya kwemangwanani pamwe neparwendo uye anopa simba kumuviri. Svondo rino Godfrey Ncube wekuBulawayo anotsanangudza mamwe mabhekerwo emadhonanzi.

‘Siyanai nezvinodhaka’

Kingstone Mapupu VATAMBI vekarate vokurudzirwa kuti vasiyane nekutora zvinodhaka uyewo nekuti vave nehunhu hunoyemurika kana vachida kusvika kure mumutambo uyu.

‘Dendera harina muridzi’

Malven Mugadzikwa ZVISINEI nekuti musambo weDendera unozivikanwa neveruzhinji uchiridzwa nevemhuri yekwaChimbetu, mumwe muimbi wenziyo dzechitendero anoti izvi hazvitadzisi vamwe vaimbi kuridza musambo uyu asi chakakosha kuugona uye kuimba zvinogutsa vateereri.

×