BHURUGWA RAVAHOSI MUGABA RINE DOVI . . . ‘Mushonga wangu wekuronga mhuri’

Kingstone Mapupu MUKADZI akaroorwa pabarika kwaChivero, kuMhondoro, ari kubvuma kuti ndiye akaba zvipfeko zvemukati zvavahosi vake — chimwe chacho akachibairira tsono ina, ndokuchisanganisa nemishonga, achibva azochigarisa mubhodhoro rake rine dovi.

N’anga inogara netsoko, kamba 8

Tandayi Motsi N’ANGA yechikadzi, pamwe chete nemurume wayo, vakamiswa mudare ndokubatwa nemhosva yekugara netsoko nekamba sere vasina mvumo yekuzvichengeta.

Vakadzi vanouya vari musvo: Muporofita

Kingstone Mapupu MUPOROFITA weJohane Masowe yeNguwo Tsvuku uyo anogara papurazi reChigomo, kuMt Hampden, anoti aoneswa nhamo nevaroyi — vakawanda vacho vakadzi — avo vanoenda kumba kwake husiku vasina kupfeka.

Mambo akaroverwa kutsiudza ‘mini-skirt’

Whinsely Masara MUSIKANA ane makore 17 okuberekwa akarova mumwe mambo wekuBinga nebhodhoro iro rakapwanyikira kumeso kwavo mushure mekunge vamutsiura apo ainge akapfeka kamini-skirt.

KAMWANA (13) MIMBA TUGU!

Kingstone Mapupu KWAMAMBO Chinamhora, kuDomboshava, kune mwana ane makore 14 ekuzvarwa uyo anopisa tsitsi – anoita seachaputika dumbu nekukurisa kwaraita mushure mekunge apihwa pamuviri gore rapera aine makore 13, murume…

Akapotsa amai, ndokudira kamwana mvura inopisa

Muchaneta Chimuka MUKADZI wechidiki wekuChitungwiza wekupisa mwana wemukoma wake mumusoro nemvura yakafashaidzwa mushure mekunge vanetsana naamai vacho akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi nemina.

‘Batsirai Dynamos’ . . . zvave kuda Mwari: Romario

Abel Ndooka VATSIGIRI venhabvu vezvikwata zvakasiyana vokurudzirwa kuti vabatane nezvikwata zvavo mukuzvibatsira kupedza matambudziko azvinenge zvichisangana nawo kwete kukonzera nyonga-nyonga nekupindira munyaya dzine chekuita nezvehutungamiriri.

‘REGAI VANA VAKURE’ . . . ‘Kuroodza pwere bodo!’ . . . ‘Dzidzo ndiyo inokosha’

Fungai Lupande ari kuBINDURA MUDZIMAI wemutungamiri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, vanoti vanoshushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita vana vari kusiira chikoro panzira kudunhu reMashonaland Central.

$100 yekungorasa marara pose-pose

Daphne Machiri VANHU vose vachaonekwa vachirasira marara panzvimbo dzisina kukodzera vachabhadhariswa faindi ye$100 kubva pa$25 iyo yaisibhadhariswa kare.

Zimpapers yakabatsira vanorarama nehusope

Muchaneta Chimuka KAMBANI huru yadzo mune zvenhau, yeZimpapers Goup, nemusi weMuvhuro svondo rino yakapa rubatsiro rwe”laptop” kusangano reAlbino Trust of Zimbabwe senzira yekusimudzira vechidiki vanorarama nehusope kuti vange vachifambirana neruzivo…

×