AKAPINYORESA MUKADZI $40
MURUME wekwaChivero, kuMhondoro, ashamisa vagari veko mushure mekupinyoresa mudzimai wake ane mwana mucheche kuna sahwira wake, iye ndokubhadharwa $40.
‘Vanhu voti ndamera muswe’
MURUME wekuChimanimani ayaura nezibundu riri kungokura padivi redumbu rake iro anoti vamwe vanhu vemunharaunda vari kumuseka vachiti ari kumera muswe nekuti akaba mombe.
Zimpapers yonyorazve nhoroondo
Tandayi Motsi KAMBANI huru mune zvenhau munyika muno, yeZimbabwe Newspapers (1980) Ltd, svondo rino yakapihwa rezinesi rekutepfenyura terevhizheni neBroadcasting Authority of Zimbabwe (BAZ).
‘NDINOPINDA-PINDA NABABAMUDIKI’ . . . ‘Murume wangu anozviziva’ . . . ‘Zvinoita, iropa rimwe chete’
MUKADZI wekwaNembudziya, kuGokwe, ndiye anonzi akarova shiri mbiri nedombo rimwe chete – ari kuparika varume mukoma nemunin’ina achiti “iropa rimwe chete”.
Anoda kuti mukadzi wake arare nembwa
Gamuchirai Muzanenhamu MURUME samusha akaendesa mudzimai wake kudare redzimhosva achiti ari kurarisa imbwa dzavo dzine chivanhu panze zvose nemachira emudzimu, izvo zviri kukonzera kuti iye arware nechirwere chisinganzwisisike sezvo imbwa…
Kana oranga mukadzi . . .anomusungirira pamuti, omurova
‘Nekuti handichamuda’ ‘Muroyi, ndakamubata’
BHORA HANDI KUTAURA: ‘BAMBO’ CHUNGA
SHASHA yakambonetsa munhabvu – Moses “Bambo” Chunga – anoti chakakosha kuti munhu ave murairidzi webhora handi magwaro ekudzidza asi kuti ruzivo rwakadzama rwunobva pakutamba mutambo uyu.
STEM yovandudzwa . . . Maticha 300 oita zvidzidzo
HURUMENDE iri kutora matanho akasimba ekuvandudza chirongwa cheScience, Technology, Engineering and Mathematics (STEM) kuburikidza nekufundisa varairidzi vanosvika 300 zvidzidzo zvesainzi kumakoreji ari kumativi mana enyika.
Seed Co yobatsira zvipatara, zvikoro
KAMBANI huru pakuuchika mbeu zvemhando yepamusoro, yeSeed-Co Zimbabwe, nemusi weChipiri svondo rino yakapa rubatsiro rwematani mashanu eupfu kuchipatara cheKwekwe General Hospital ne$5 000 kuchikoro cheKwekwe Primary School.
‘Susukidzai mitauro yemuno’
Tandayi Motsi DARE reSenate riri kukurudzira kukosheswa kwemitauro yemuno kuburikidza nekunyorwa kwemabhuku ari pamusoro pemitauro iyi.











