Baba nemwanakomana vonetserana wairesi

Gamuchirai Muzanenhamu MWANAKOMANA wekuti ari kushungurudzwa nababamukuru — mukoma vababa vake — avo vaanoti vanomurambidza kuridza wairesi yake vachimudzimira magetsi, akazokwidza nyaya iyi kudare redzimhosva.

Idya nhopi yemanhanga

ZVIRI MUGAPU NHOPI yemanhanga inhapitapi chaiyo kana ikabikwa zvine hunyanzvi. Svondo rino Mai Pedzisai Mushuku vekuMasvingo vanodonongodza mamwe mabikirwo enhopi yemanhanga.

Vanhukadzi vakaenda nemibairo yekuchena

AKANGA ari makuwerere neMugovera wadarika paimwe hotera iri muHarare apo vanhukadzi vakakunda mumakwikwi eKwayedza African Woman of the Year vakadzokera kudzimba dzavo nemibairo inosanganisira zvitofu nemachira ekusona mbatya.

Itai zvatakareva: Utete Masango

Abigail Mawonde HURUMENDE svondo rapera yakasimbaradza mashoko ekuti chikamu chebvunzo chinobva mukuongorora zvimwe zvidzidzo zvinoitwa nevana veO- neA-Level (continuous assessment) icho chaifanirwa kutanga gore rino, chakambomiswa uye izvi zvinotevera mashoko…

Vorwira manhanga pa‘town’

Janet Chari NYAYA yekubika manhanga ayo anonzi akange atumirwa naamai kubva kumusha yakamutsa bopoto guru pakati pehanzvadzikomana nehanzvadzisikana, vaviri ava ndokutosvitsana kudare redzimhosva.

‘Igomarara, kuroyiwa, chipotswa’

CHAMANGWIZA wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vanoti murume wekuChimanimani uyo akamera zibundu padivi redumbu rake anoda kubatsirwa nekuchimbidza kuburikidza nekuvhiiwa.

Gezai mawoko nguva dzose – Parirenyatwa

Muchaneta Chimuka BAZI rezveutano nekurerwa kwevana riri kukurudzira veruzhinji kuti vave netsika yekugeza mawoko nguva nenguva senzira yekudzivirira zvirwere zvemanyoka zvakadai seSepsis.

– ZVIWANIKWA ZVEZIMBABWE –

Juliet Sharon Tom SAMBANI/HWIRIBIDI (Isambane/Aardvarks/Ant bear) SAMBANI kana kuti hwiribidi imhuka inowanikwa munzvimbo dzakawanda dzemuZimbabwe, kunyanya kunevhu rejecha.

Kunzwisisa zvizere pamusoro pepep

SANGANO reNational AIDS Council (NAC) rinoti vanhu vakawanda vari kukundikana kuwana mashoko azere maringe nemishonga yekudzivirira utachiona hweHIV yePost-Exposure Prophylaxis (PEP).

Dzokorodzo inokosha pakugadzirira bvunzo

Ticha Danga CHIKAMU chakapfuura ndanga ndakatsamirana nenyaya yeGeneral paper iro randakati rinoumbwa nekubatanidzA zvidzidzo zvisere. Zvidzidzo zvinovaka pepa iri ndezvinoti Religious and Moral Education, Music, Environmental Science, Art, Social Studies,…

×