‘ndapfidza kurumwa nemazizi’
Kingstone Mapupu MUKOMANA anogara mumusha weDzivaresekwa Extension, muHarare, anoti aoneswa chitsvuku nekurumwa nemazizi ayo anomuitira madororo siku nesikati uye anogara achiteverwa nemazinyoka.
Vazhinji vokoshesa nzira dzekurera mhuri: znfpc
Muchaneta Chimuka SANGANO reZimbabwe National Family Planning Council (ZNFPC) riri kuvandudza nzira dzekuwaniswa kwezvirongwa zviri pamusoro pekurera mhuri uye pari zvino rakazadzikisa zvinangwa zvaro zvegore ra2020 apo ongororo iri kuratidza…
Kutonga nyika handi njuga
Ndozvireva namukwende MWAKA wesarudzo, mwaka unoitika zvese zvese. Tatovemo mumwaka wacho.
‘Zvimbokoma zvaJoshua naWilder zvombomiswa’
Anthony Joshua anofanirwa kumira kwegore rese asati arwa naDeontay Wilder mumutambo weWorld Heavyweight Title Unification, sekutaura kwaBarry Hearn.
Mabasa evaroyi ayo’
Kingstone Mapupu NYANZVI dzechivanhu nevamwe vakuru vemachechi vanoti dambudziko remukomana wekuDzivaresekwa Extension, muHarare — uyo anoti anogara achirumwa nemazizi nekuteverwa nemazinyoka — rine chekuita nemabasa ehuroyi. Prophet Sham Hungwe, avo…
Zvikwata zviri kundichemera: Wenger
ARSENE Wenger anoti zvikwata zvakawanda zvauya kwaari zvichida kumutenga apo ari kugadzirira kubva kuArsenal iyo yaarairidza kwemakore anodarika 22.
Humbimbindoga bodo — Mutodi
Abel Ndooka MUIMBI weAfro-fusion Tich Mutodi anoti vaimbi vanofanirwa kushanda vese vakabatana nechinangwa chekusimudzirana kwete kuita humbimbindoga sezvo zvisina kwazvinovasvitsa. Mutodi – uyo achangobura dambarefu rake rechipiri rinonzi Tsuro Nengwenzi…
Vosona mayunifomu kuGokwe
Kingstone Mapupu VABEREKI vane vana vanodzidza kunzvimbo yeChireya, kuGokwe, vari kubatsirikana nekuwana mayunifomu echikoro pedyo zvichitevera bhindauko rekusona mbatya idzi riri kuitwa nemumwe muzvinhabhizimisi wechikadzi ikoko.
Otuka mukadzi nevana zvinyadzi
Janet Chari MUKADZI wekuti iye nevana vake vari kuoneswa ndondo nemurume wake uyo ane marambadoro akazopotera kudare redzimhosva achida kudzivirirwa.
Vahosi nanyachide vorwira murume
Gamuchirai Muzanenhamu MUDZIMAI nyachide pabarika, wekuda kushandisa dare redzimhosva kurambidza vahosi kuti vasasvike kumba kwake kuzoona murume wavo, akazoshaya pekupinda nenyadzi apo chikumbiro chake chegwaro redziviriro chakaraswa nekuda kwekushaikwa kwehumboo.









