Vosona mayunifomu kuGokwe

Kingstone Mapupu
VABEREKI vane vana vanodzidza kunzvimbo yeChireya, kuGokwe, vari kubatsirikana nekuwana mayunifomu echikoro pedyo zvichitevera bhindauko rekusona mbatya idzi riri kuitwa nemumwe muzvinhabhizimisi wechikadzi ikoko.

Vabereki vari kuwanira mayunifomu evana pedyo vasingaende kure kwakaita sekuHarare, kuKadoma kana kuGokwe Centre.

Mai Joyce Mangwiro (42) vanoitira basa ravo panzvimbo yemabhizimisi yeChireya.

Vanoti bhindauko rekusona iri vakaritanga makore gumi adarika mushure mekuita zvidzidzo zvekusona. Mudzimai uyu anoti akatanga achisona mbatya dzevana vechikoro chete ndokuzoonawo kuti vanhu vaichemera kusonerwa mbatya dzemicheno idzo akazotangawo kusona.

“Ndine nzvimbo duku yandinoshandira kuita basa rangu. Ndinosona mayunifomu kubva ekupuraimari kusvika kusekondari,” vanodaro.

Mai Mangwiro vanotenda vabereki vemuGokwe-Chireya nekuvatsigira kwavari kuita mubasa ravo kuburikidza nekutenga mayunifomu echikoro.

“Vabereki vane vana vanodzidza muzvikoro zvakakomberedza Chireya vanondisimudzira zvikuru. Vazhinji vavo vanotenga mayunifomu evana kwandiri, vamwe ndinovapa nechikwereti,” vanodaro.

“Nekuda kwekuti machira ndinotenga kuHarare, kuChegutu, kuKadoma kana kuBulawayo, zvakanaka kuti vabereki vaunze zvavanoda nguva iripo kuti pandinonohodha machira ndonotenga kamwe chete uye akawanda,” vanodaro Mai Mangwiro.

Vanoti zvimwe zvezvikoro zvine vana vavanosonera mayuniformu zvinosanganisira Chireya, Zviyo, Katamba, Hongoro, Marere, Kajirivanda, Sikwiti, Chemhondoro, Nyamatsito, Sawirangwanda neSimchembo.

Mai Mangwiro vanotizve vanosona mbatya dzemicheno nedzemichato.

Vanoti vari mubishi kuedza kutenga mumwe muchina wekusonesa sezvo vachida kuzopinza basa munhu anobatsirana navo mubhindauko ravo.

“Ndinodawo nzvimbo yekushandira kwete kuramba ndichirenda uyewo ndinoda kuti michina yangu yekusonesa iwande ndopinzawo vanhu vakawanda mabasa.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *