Mabasa evaroyi ayo’

Kingstone Mapupu
NYANZVI dzechivanhu nevamwe vakuru vemachechi vanoti dambudziko remukomana wekuDzivaresekwa Extension, muHarare — uyo anoti anogara achirumwa nemazizi nekuteverwa nemazinyoka — rine chekuita nemabasa ehuroyi.

Prophet Sham Hungwe, avo vanotungamirira chechi yeHouse of Grace International kuHighfield, muHarare, vanoti mukomana uyu ane dambudziko rinoda kuti akurumidze kubatsirwa.

“Mazizi nenyoka zvinozivikanwa zvichishandiswa nevaroyi kureva kuti mukomana uyu ari kuda kunzi aroye. Saka kuteverwa nemazizi achimuruma nenyoka dzinomumhanyisa mucherechedzo wekuti kune varoyi vanoda kumushandisa kuti varoye vose asi iye haasi kuzviziva. Kurumwa uku kunzi uri kurambirei,” vanodaro.

Prophet Sham Hungwe

Sekuru Friday Chisanyu, mukuru wesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), vanotiwo dambudziko remukomana uyu rine chekuita nemabasa ehuroyi.

“Uyu mwana mudiki asina zvaanoziva asi ari kusundirwa mweya wekuti aroye nevanhu vanogona kuva vehukama kana vatorwa. Zvichida varoyi vanongoda kumushungurudza kuti abvume zvavanoda kana kutiwo kungoroyiwa senzira yekumurwadzisa chete,” vanodaro.

Kuchiti Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze, muHarare, vanotiwo: “Inyaya inoshamisa kuti munhu anoteverwa nemazizi kwese kwaanoenda nekudzingirirwa nenyoka. Inyaya inoda kuti abatsirwe kuchivanhu, dzimwe nguva ava kutoroya pachezvake asingazive.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *