Yava nguva yekugadzirira bvunzo

Ticha Danga KOTORO yekutanga yakauya yakapfuura tikava nezororo rakakurisa chose. Zvino tatanga kotoro yepiri apo tinofanirwa kuyeuchidzana kuti kotoro ino ndiyo yega yasara kuti tigopinda mubvunzo dzedu.

Mwedzi 2 afirwa, onzi tuta twako

Janet Chari MUMWE mudzimai anoti muramu wake amuka chibhebhenenga nekuda kumudzinga pamba kwangopera chipo chemwedzi miviri iye afirwa nemurume wake.

Humfrey azviita zvakare

Muchaneta Chimuka MUIMBI wechidiki wenziyo dzechitendero – Ziggie Humfrey (28) – uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Ziggie The Crusader akazviita zvakare zvichitevera kubura kwaakaita dambarefu rake rechishanu rinonzi Amandimenyera PaNgondo…

Oda kupisira mhuri mumba

Gamuchirai Muzanenhamu MUMWE mukadzi anoti murume wake anogara achida kumupisira mumba pamwechete nevana vavo uye ane mweya wekuda kuzviurayawo.

Ngano nevanhu vaMwari

Munyaradzi Gunduza NGANO dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari, tsigira pfungwa iyi nengano shanu dzinobva mubhuku iri. [25]

Zvaiitwa mapatya

Munyaradzi Gunduza NHOROONDO YEMUNYORI: Nhoroondo yemunyori inokosha zvikuru pakunzwisisa chinyorwa chake. Izvi zvinodaro nokuti munyori anogona kuratidza zivo yake maererano nenzvimbo yaakambogara, zvakamboitika kwaari, zvaakanzwa munhoroondo yedzinza rake, makuriro ake,…

Kusarongeka, marara, bvonyongera muHarare

ZVINONZI guta iguta nekuda kwevanhu varo. Asi kana takatarisa Harare, vanhu veHarare ndevapi kana kuti ndivana ani? Ko iko kuwanda kwevanhu kunoita kuti nzvimbo inzi yave musha here?

Vakadzi voburana pabarika

Janet Chari MUDZIMAI wechipiri pabarika anoti ari kushungurudzwa nekurohwa nemukadzi wechitatu izvo zvazomutuma kupotera kudare.

Vamwene nemuroora tiba! ‘Vanotaurisa amai ava’… ‘Muroora anondinanga’

Gamuchirai Muzanenhamu VAMWENE vekudhonzera muroora kudare vachiti ari kuvashungurudza vakazoshaya pekupinda nekunyara apo akatanga kufumura mabasa akaipa avanoita anosanganisira kumurova nembama. Esnath Mbangwe akaendesa muroora wake, Letty Matope, kuHarare Civil…

Dzinga ‘dhimoni’ rekusaziva

naChiremba KUSAZIVA kwakafanana nekufa, anodaro muimbi. Nekuda kwekusaziva, kune vazhinji vari kungopopota vachigunun’una negwaro idzva redzidzo yemunyika medu vachiti rakaipa. Mushure memasvondo akati kuti chinyorwa chino chichange chadzinga madhimoni ose…

×