Kuzivisa nezvesangano revechidiki reYPNSRHHA
VECHIDIKI vane makore 10-24 ekuberekwa vanoonekwa vari panyatwa yekutapurirwa utachiona hweHIV kana zvichienzaniswa nevanhu vakura.
mukadzi orambirwa kunaka
Kingstone Mapupu MURUME wekwaChireya, kuGokwe, akashamisa ruzhinji rwaive mudare ramambo weko apo akati ava kuramba mudzimai wake nechikonzero chekuti akanyanya kunaka pachiso.
Nyama yerurimi: Unozodei?
NYAMA yerurimi rwemombe mudya ndakasungwa ndokunge ikabikwa zvine unyanzvi uye inonzi yakakosha kuutano hwemhuri sezvo iine kudya kunovaka muviri semapuroteni.
Zviri kuramba: Dynamos…l Tinoda kuhwinha: Lodza , Zviri kutivhara: Mubaiwa ,Bhadharai vapfanha: Romario
Abel Ndooka MUTUNGAMIRIRI weDynamos FC, Kenias “Kenny” Mubaiwa, anoti vari kuzama nepavanogona kuti chikwata chavo chihwinhe mitambo yacho yemuPremier Soccer League asi zviri kukona n’anga murapwa achida.
MAONERO EDU: Goho rinoda kuchengetwa
VARIMI vakawanda kumatunhu mana enyika parizvino vave kugadzirira kukohwa zvirimwa zvavo uye vamwe vakatotanga kare.
Varimi vopunduka nefodya
Muchaneta Chimuka NYIKA isati yawana kuzvitonga kuzere muna1980, hazvaiva nyore kuti munhu mutema ange achiwanikwa achipinda mubhizimusi rekurima zvirimwa zvinopa mari zvakadai sefodya asi nhasi uno yave kurimwa pamadiro.
Muimbi orongera pairesi
Muchaneta Chimuka MUIMBI wechidiki ari kusimukira mumusambo wechitendero – Shepherd Chitapa (27) – uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Professor – anoti vaimbi vanofanira kushandisa nzira dzechizvino-zvino dzakadai sedandemutande (internet) mukutengesa…
Chitungwiza yogadzirisa zvinonetsa
Muchaneta Chimuka KANZURU yeChitungwiza inoti yakazvirumura kubva mune zvimwe zvirongwa izvo yaisiwaniswa nekanzuru yeHarare zvaita kuti inge ichishanda yakasununguka uye pasina kushandisa mari zhinji.
Zvikwata zvehandball hutu kuZambia
Abel Ndooka ZVIKWATA zviviri zvemutambo wehandball mumapoka anoti Under18 ne21 svondo rino zvakaenda kuLusaka, kuZambia uko zviri kutarisirwa kukwikwidza mumitambo yeAfrica Zone 6 International Handball Federation Challenge Trophy.
tsuro yenhaka yauraya vanhu 9 . . . baba nevana vavo vasere . . . yokecha vakadzi vevanhu
Nhlalwenhle Ncube KUNE tsuro yenhaka yapedza kuuraya mhuri – vanhu vapfumbamwe (9) – baba nevana vavo vasere.











