‘Ndofira tsvina yevana here?’

Malven Mugadzikwa MUKADZI wemuHarare anoti haasisina rugare nemuvakidzani wake uyo ave kufamba nebanga achiti anoda kumubaya naro zvichitevera kunetsana kwavari kuita nenyaya yevana vake vane tsika yekuitira tsvina mumunda une…

Japan yakapa $1m yechikafu

Muchaneta Chimuka HURUMENDE yeJapan yakapa $1 miriyoni kusangano reUnicef neWorld Food Programme yekusimudzira kuwaniswa kwezvekudya pamwe nenyaya dzeutano.

Munhu chaiye haasi muwivhi, make-up

WAKANDIRAMBA Alexander, hazvina hazvo mhosva. Ko ndingakumanikidze nekukubata huro here kuti undide? Kwete, hazviite nyangwe zvangu ndichirwadziwa kuti wakandifura sedzihwa rechembere rinofurwa nemaoko richizunzirwa pasi.

Zvombo nemidziyo uye mabasa azvo

Ticha Danga HUTSANZI hwekugadzira zvombo zvekushandisa mumabasa kuti areruke hune nhoroondo inobvira kutangwa kwakaitwa kusika moto nekuzoziva kupfura simbi kuti dzigogadzira zvombo zvakasimba kupfuura zvaigadzirwa nemiti nematombo. Izvozvo zvombo zvaigadzirwa…

Ngano netsika dzaVaShona

Munyaradzi  Gunduza NGANO dzaivepo kuchengetedza tsika dzaVaShona, tsigira pfungwa iyi nengano shanu dzinobva mubhuku iri. [25]

Vorwira makuva

Janet Chari VAVAKIDZANI vakamisidzana mudare redzimhosva nekuda kwenyaya yemakuva ayo anonzi mumwe akakomberedza ndokuavharira musitendi yake asi iye asiri wemhuri ine marinda aya.

Opomerwa kubata mwana mazamu

Muchaneta Chimuka MURUME wekuChitungwiza akamiswa mudare reko akatarisana nemhosva nhatu dzinoti yekubata mazamu ekasikana kane makore 16 ekuberekwa, kukarova pamwe nekuba mushure mekusanzwisisana panyaya yemari yehuku idzo akahodhesera vabereki vemwana…

Vonetserana matombo emuteuro

Gamuchirai Muzanenhamu HANZVADZISIKANA yakaendesa hanzvadzikomana kudare redzimhosva ichiti ari kumuonesa moto nekumutukirira zvinyadzi uye kumukandira matombo emuteuro mumba make achiti anenge achida kuti mweya yetsvina itize.

Rodza pfungwa

Munyaradzi Gunduza MUBHUKU rinonzi Kereke Inofa wakadzidza zvakawanda maererano nezvemapindurirwo emibvunzo nemhinduro dzinotarisirwa. Zvino chipfuurirawo mberi nekupindura mibvunzo yakapihwa pazasi.

varume 145 vazvipira kusabara …Vakatodamburwa tsinga dzinofamba nembeu yababa

Muchaneta Chimuka SANGANO rePopulation Services Zimbabwe (PSZ) rinoti — senzira yekuronga mhuri — vanhurume vanosvika 145 vakachekwa dundiro (vasectomy) kubva 2014 kusvika 2017.

×