Musha unongotsva, vanhu vachirohwa

Kingstone Mapupu DAMBUDZIKO remoto uri kungobatira woga uchipisa dzimba nemidziyo uye vanhu vachitemwa nematombo avasingaone anoapotsera iro rakatarisana neimwe mhuri yekwaMukanganwi, kuBikita mudunhu reMasvingo, rinonzi riri kuenderera mberi.

Kurimwa kwedonje kwadzikira

Kingstone Mapupu KURIMWA kwedonje kunonzi kwadzikira zvikuru kudunhu reGokwe, kuMidlands uko kunozivikanwa nekurimwa chirimwa ichi zvichitevera mitengo yakaderera zvakanyanya kumisika. Kwayedza nguva pfupi yadarika yakashanyira dunhu iri ndokuita hurukuro nevarimi…

Vovakirwa zvikoro zviviri kuChingwizi

George Maponga ari kuMASVINGO MHURI dzinodarika 3 000 dzekuTokwe-Mukosi idzo dzakagariswa patsva nepamusaka pemafashamu dzakawaniswa rubatsiro nesangano reOrganisation of Petroleum Exporting Countries (OPEC) Fund for International Development iro riri kuvaka…

Mertesacker odemberera Wenger

PER Mertesacker anoti Arsene Wenger achiri nesimba rekuramba achirairidza nhabvu kana akabva kuArsenal pachapera mwaka uno.

‘Vandudzai zvidzidzo zveSainzi’

Daphne Machiri MUNYORI mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Sylvia Utete-Masango, vanoti zvakakosha kuvandudza zvidzidzo zveSainzi kuitira kuti nyika ibure nyanzvi dzakasiyana idzo dzinobatsira mukusimudzira budiriro yenyika.

‘Fresh’ nyama yembwa

Tandayi Motsi VAGARI vekuBloemfontein, kuSouth Africa — uko kunogarawo zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda — svondo rapera vakashamiswa zvikuru zvichitevera nyaya yemumwe murume weko uyo akavhiya imbwa iri mhenyu mushure mekunge yatsikwa…

Barcelona yotenga Martial

BARCELONA iri kugadzirira mari inosvika 60 miriyoni paunzi yekutenga mutambi weManchester United, Anthony Martial.

Kurambirwa kunaka: ‘Ishavi renjuzu’

Kingstone Mapupu MUTEVEDZERI wemukuru wesangano rinomirira machiremba echivanhu reZimbabwe National Practitioners Association, Mbuya Joyce Nhamburo (42), vanoti mudzimai wekuGokwe uyo anonzi akarambwa nemurume wake nechikonzero chekuti akanyanya kunaka pachiso anogona…

Vopura mari nehuku, mbudzi

Kingstone Mapupu VARIMI vekudunhu reMapfungautsi, kuGokwe vobatsirikana zvikuru kuburikidza nezvirongwa zvekupfuya mbudzi nehuku izvo zviri kutsigirwa nemumwe muzvinhabhizimisi anove chizvarwa cheko.

Roja roda kurova muridzi wemba

Malven Mugadzikwa MUKADZI wemuHarare ari kudemba kutora kwaakaita roja kuti rigare pamba pake sezvo achiti rava kugara richivimbisa kumurova uye rinomutukirira pamusoro pekusabhadhara mari yerendi.

×